Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodira US$500 Million muMabhanga Kurerutsa Dambudziko reMari yeKunze


Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.
Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya.

Hurumende kuburikidza nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, inonzi yakavimbisa kuti neMuvhuro iri kudira mari inoita mamiriyoni mazana mashanu emadhora emari yekuAmerica mumabhanga emunyika, senzira yekurerutsa nayo dambudziko remari yekunze.

Gavhuna vebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanonzi vakazivisa neMugovera kuti mari iyi ichabatsira mukutengwa kubva kunze kwemafuta edzimotokari pamwe nemishonga, izvo zvinonzi zviri kushaikwa munyika.

Hurumende inonzi yakawana mari iyi kubva kunevanobatsira vekunze, uye inonzi yakanangana nekubatsira vemabhizimusi pamwe nevanhuwo zvavo vanenge vachida mari yekunze kuitira kutenga zvinodiwa mumapka avo.

Zvinonzi mari yekunze iyi haisi kuwanikwa mumabhanga, umo inofanirwa kunge ichitengeserwa vemabhizimusi pamwe nevanhu nemari iri pasi, asi ichinzi izere pamusika mutema, apo inonzi iri kutengeswa nemari iri pamusoro.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti danho rehurumende iri rakanaka chose, kana chete hurumende ikakwanisa kuzorizadzisa, vachiti vemabhizimusi vari kurasikirwa nemari yakawanda kuburikidza nekumanikidzwa kutenga mari pamusika mutema kuti vawane zvikwanisiro mumabhizimusi avo.

Asi VaKuchera vanoti chavanofunga kuti chingangotadzisa hurongwa uhwu kubudirira inyaya yehuwori, uhwo vanoti hwakadzika midzi munyika.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG