Accessibility links

Breaking News

RBZ Inoti Haisi Kuzobatabata Mari dzeVanhu Dzinobva Kunze kweNyika


Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya
Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti Zimbabwe haisi kuzobatabata mari dzinobva kunze kwenyika uye vari kurwisa kudzikisa kukwira kwemitengo yezvinhu.

Vachitura hurongwa hwekufambiswa kwemari kana kuti Monetary Policy Statement, Doctor Mangudya vati hurumende haina chidokwadokwa chekubatabata mari dzinotumirwa kubva kunze kwenyika, uye vati vanenge vatumirwa mari idzi vakasununguka kuita zvavanoda nadzo.

VaMangudya vatiwo vari kushandawo kuona kuti mitengo yezvinhu zvakasiyana-siyana hairambi ichikwira, vachiti panozopera gore vari kutarisira kuti inflation inge yadzika kusvika pazvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Gavhuna vebhanga guru ava vatiwo vari kufadzwa nerwendo rwatorwa nenyika mukuzvirumura kubva mukushandisa madhora ekuAmerica.

VaMangudya vati zvinotora makore kuti nyika ibude mukushandisa mari yekunze kwenyika uye hazvigoneki nenguva pfupi. Vati pari zvino zvikamu makumi matatu nezvinomwe kubva muzana zvemari iri mumabhanga imari yekunze asi zvikamu makumi matanhatu nezvitatu kubva muzana yave mari yemuno.

VaMangudya vati vanotarisira kuti mari dzekunze dziri mumabhanga dzirambe dzichiderera zvishoma nezvishoma.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaPersistance Gwanyanya, yaudza Studio 7 kuti panoda kushandwa zvakanyanya kuti zvishuviro zvebhanga guru zvekuona kuti mitengo yadzika zvazadzikiswa.

VaGwanyanya vabvumiranawo naVaMangudya kuti zvinoda makore kuti Zimbabwe izonyatsoti yabuda mukushandisa mari yekunze kwenyika.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari nhengo yeMDC, VaTapiwa Mashakada, vatiwo kusabatwabatwa kwe mari dzevanhu dzinobva kunze ndizvo zvinototarisirwa, sezvo bumbiro remitemo yenyika risingazvibvumidzi kuita izvi. Vati RBZ inofanirwa kuramba ichiremekedza izvi.

Asi VaMashakada vati havaoni hurumende ichibudirira mukudzikisa mitengo yezvinhu nekuda kwekuchinjiwa kwemari mumigwagwa, vachiti maonero avo ndeekuti mitengo icharamba ichikwira.

Kunyangwe hazvo mabhanga nevanemarezinesi ekuita izvi vari ivo vanofanirwa kuchinja mari pamutemo, vanhu vazhinji vanonochinja mari dzavo dzekunze kwenyika mumigwagwa nekuti vanowana mari yakawanda kudarika yavanopiwa mumabhanga.

VaMangudya vati mitengo yezvinhu iri kunyanyokwidzwa nemafungiro everuzhinji, kunyanya vachitoredzera zvakamboitika, asi vakurudzira veruzhinji kuti vachitarisa zvemberi kwete shure kwakabviwa.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG