Accessibility links

Breaking News

Matanho eHurumende eKugadzirisa Hupfumi hweNyika Orwadza Vakawanda


Zimbabwe iri kunetseka nekushaikwa kwemafuta edzimotokari, kukwira kwemitengo yezvinhu, pamwe nekushaikwa kwemari yekunze.
Zimbabwe iri kunetseka nekushaikwa kwemafuta edzimotokari, kukwira kwemitengo yezvinhu, pamwe nekushaikwa kwemari yekunze.

Apo hurumende inoti iri kugadzirisa hupfumi hwenyika, vakawanda munyika vanoti vave kutotambura zvakanyanya uye vanoti inguva chete vasati vatora matanho ekugadzirisa zvinhu pachavo.

Vakawanda vataura neStudio7 vanoti havana mufaro nezviri kuitika sezvo mitengo iri kukwira zuva nezuva, uyewo vari kushaya zvavanoda kuti vararame zvakanaka zvakaita semagetsi nemvura.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJohnstone Chirwa, vanoti vanhu munyika vave kutambura zvisati zvakamboonekwa zvekuti munhu wese, kusanganisira vanoenda kubasa, vave kurarama nekutengesa chese chese chavangowana.

VaAmen Meke vaudza Studio 7 kuti vakawanda vave kutotadza kuwana chikafu pamwe nekuenda kuchipatara uye zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvachose.

Vanoti kunyange hazvo pari zvino vanhu vasati vabatana kuti vagadzirise zviri kuvanetsa, vanoona sekuti kwasara nguva shomanana kuti izvi zviitike.

VaChirwa vanobvumirana naVaMeke vachiti hapana kusiri kufa.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti shanduko muhupfumi haigoni kuitika pasina marwadzo aripo. Vanoti pari zvino hurumende iri kutora matanho ekubatsira vanotambura akaita sekuvabhadharira mari dzechikoro, hutano, kuvapa chikafu pamwe nezvimwe.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vatsinhira mashoko aVaNcube vachiti patove nehurongwa kwekurerutsa kutambura kwevanhu munyika.

VaMangwana vatiwo hurumende iri kutora matanho ekuona kuti makambani haarambe achikwidza mitengo zvisina tsarukano izvo vati zvinowedzera kutambura kwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mamwe matanho ari kutorwa nehurumende mukuedza kuderedza kutambura kwevanhu anosanganisira kudzora mabhazi eZUPCO ayo ari kutambirwa nemufaro zvikuru sei mumadhorobha.

Asi vamwe vakaita saVaStanford Nyatsanza vanoti mabhazi aya mashoma.

VaNcube vanoti kunyange hazvo paine kutambura munyika matanho avari kutora ari kubatsira vachiti hurumende yakatoderedza huwandu hwemari yainoshandisa uye yave kutowana mari yakawanda kudarika yayange yakatarisira.

Vanoti izvi ndozvave kuita kuti vawane mari yekubatsira vanotambura vachiti vakatotanga kubhadhara mari dzechikoro pasi peBEAM idzo dzange dzave nenguva yakareba dzisingabhadharwe.

Asi vamwe vakaita saVaMasimba Manyanya avo vanoongorora nyaya dzehupfumi vanoti vanoona sekuti kutambura kwevanhu munyika kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Vachitaura kumusangano wekongiresi yebato ravo kuGweru, mutungamiriri webato guru rinopikisa munyika, VaNelson Chamisa, vakati kukwira kwemitengo yezvinhu, kutambura kwevanhu zvigona kukanganisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG