Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi munyika, nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvakawanda, kushaikwa kwezvimwe uye kushaikwa pamwe nekukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa.
Mitengo yezvinhu, zvikuru zvekudya, iri kuramba ichiita chamurambamhuru kubva mwedzi wapera, izvo zvinonzi nevakawanda zvave kuvaisa parumananzombe, sezvo mari dzavari kutambiriswa kumabasa kwavo dzisiri kukwirawo.
Zvinonzi zvakakwira mitengo zvakanyanya mumazuva mashoma adarika zvinosanganisira mafuta ekubikisa, ayo akabva pamadhora manomwe kuenda pamadhora gumi nerimwe iri mari yemaRTGS dollars.
Furawu yekubikisa chingwa ine huremu hwemakirogiramu maviri, yakakwirawo kubva pamadhora mashanu kuenda pamadhora manomwe, pakiti yemupunga inorema makirogiramu maviri, yakakwira mutengo kubva pamadhora mashanu kuenda pamadhora matanhatu ane masendi anoraudzira.
Zvimwe zvakakwira mitengo zvinosanganisira shuga, iyo yakaona makirogiramu maviri achikwira kubva pamadhora maviri kuenda pamadhora mashanu, kuchitiwo katsaga keupfu kanorema makirogiramu gumi, kachinzi kave kutengeswa nemadhora gumi.
Izvi zvinonzi nemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, zviri kuomesera vashandi zvakanyanya nekuti mihoro yavo haisi kukwira.
VaMoyo vanoti izvi zviri kunyanya kukonzerwa negwara rezveupfumi riri kuteverwa nehurumende yavepo, iyo vanoti yakatevera gwara risingakwanisi kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Vanotiwo kurasikirwa nesimba kwedhora renyika reRTGS nekuda kwemusika mutema ndicho chimwe chezvinhu zviri kuwedzera kukwira kwemitengo yezvinhu.
Izvi zvatsinhirwawo nenyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanotiwo huremu hwedhora renyika, reRTGS huri kuramba huchiderera zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaRichard Mahomva, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu hakuneyi nematongerwo enyika, vachipa muenzaniso wemafuta ekufambisa, ayo vanoti pagara pasina dzimwe nzira dzekuti awanikwe munyika kunze kwekutotenga kunze kwenyika.
VaMahomva vanotiwo chimwe chiri kuita kuti vanhu vaone sekunge hurumende isiri kukwanisa kutungamira nyika inyaya yekuti vanhu vakatanda kushandisa zvakanaka mari yekunze, iyo yakatanga kushandiswa munyika muna 2009.
VaKuchera vanoti chinhu chinokwanisa kumisa kukwira kwemitengo kuvepo kwemukaha mudikidiki pakati pemutengo wemari yekunze kana ichiwanikwa kumabhanga nekunge ichiwanikwa pamisika mitema.
VaKuchera vanoti kana zviri kuitika iye zvino zvekuti vanhu vashoma ndivo vari kuwana mari yekunze zvakaramba zvichiitika, zvinoreva kuti mitengo yezvinhu icharambawo ichingotiza, zvinhu zvichiramba zvichishaikwa muzvitoro, sezvo zvizhinji zvichibva kunze kwenyika, uye zvichifanirwa kutengwa nemari yekunze.
Facebook Forum