Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvinhu Zvakawanda Inokwira Panguva Iyo Vashandi veHurumende Vawedzerwa Mihoro


Mitengo yezvnhu zvakawanda, kusanganisira upfu, inonzi yakwira muzvitoro zvakawanda.
Mitengo yezvnhu zvakawanda, kusanganisira upfu, inonzi yakwira muzvitoro zvakawanda.

Hurumende mwedzi uno yakawedzera mihoro inotambirwa nevashandi vayo, asi vamwe vari kutoona sekunge danho iri rave gokamunyama nekuda kwematambudziko anonzi arakonzera.

Mitengo yezvinhu zvakawanda inonzi yabva yakwirawo, izvo zvinonzi nevamwe vashandi vehurumende zviri kumedza mihoro yavo yavachangobva kuwedzerwa nehurumende iyi.

Zvinonzi zvakwidzwa mitengo zvinosanganisira nyama, upfu, shuga, mafuta ekubikisa nemafuta ekufambisa.

Izvi zvinotsinhirwa nemunyori mukuru werimwe remasangano evashandi vehurumende, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, avo vanoti nhengo dzavo zhinji dzatambira mihoro yadzo nhasi dzashamiswa kwazvo kupinda muzvitoro dzichiwana zvinhu zvizhinji zvakwidzwa mitengo.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti ratove dambudziko nevezvitoro rekuti pose pangowedzerwa vashandi vehurumende mari dzemihoro vezvitoro vanobva vakwidza mitengo yezvinhu zvose.

Vakawanda munyika vari kuchemawo nekutengeswa kwezvimwe zvinhu nemari yekunze asi ivo vashandi vemunyika vachitambira mihoro yavo nemari yemunyika.

Semuenzaniso, kambani inotengesa mafuta edzimotokari yeZUVA Petroleum, nhasi yazivisa kuti yave kutengesa mafuta edhiziri nepeturu pamagaraji ayo masere emunyika nemari yekunze, danho rinoshoropodzwa zvikuru naVaMoyo veZCTU.

VaMoyo vanoti zvakakosha zvikuru kuti hurumende itore matanho ekumisa chamurambamhuru chinonzi chave kuitwa nemitengo yezvinhu, pamwe nekuona kuti zvinhu zvose munyika zvatengeswa nemari yemunyika, inokwanisa kuwanikwa nevanhu vose, kwete kuita zvitoro zviviri, chevarombo nechevapfumi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti vari kuonawo kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zuva nezuva, uye vanofunga kuti zviri kukonzerwa nekushaya simba kuri kuramba kuchiita mari yemunyika ichienzaniswa nemari yekunze.

Doctor Chitambara vanoti matambudziko akatarisana nenyika ari kukonzerwa nekuti pave nenguva yakareba hupfumi hwenyika husiri kubatwa zvakanaka pamwe nekushaikwa kwechivimbo munyaya dzezvehupfumi nevanoda kusima mari dzavo munyika. Vanoti izvi hazvisi zvinhu zvingangomuka zvagadziriswa neusiku humwe.

Asi gavhuna vebhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vakaudza nyika neMuvhuro pakuparura kwavo hurongwa hwekushandiswa kwemari, kana kuti Monetary Policy Statement, kuti vari kutora matanho ekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi kuitira kuti vanhu vave nechivimbo.

Doctor Mangudya vakatiwo vari kurwisa kuona kuti inflation yadzika here gore rino, vachiti panopera gore rino inofanirwa kunge yadzika nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Asi vakawanda vanoti pachine nguva kuti zvinhu zvigadzirisike munyika pachitariswa kuti nyika inenge yave kutodzokera mukushandiswa kwedhora rekuAmerica, kana kukwira kwemitengo yezvinhu pachishandiswa huremu hwedhora rekuAmerica.

Kusvika izvi zvagadziriswa, zvinhu zvicharamba zvichinetsa mune zvehupfumi munyika.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG