Accessibility links

Vari Pamudyandigere Vanoumba Sangano Richavamirira

  • Jonga Kandemiiri

Mari dzevashandi dzemudyandigere dzinobatwa neNSSA

Nekuona kutambura kuri kuita vashandi vanenge vaenda pamudyandigere, vamwe vevaive vashandi ava vakaumba sangano reAssociation of National Social Security Retirees Trust, iro richange richivamirira mumatambudziko avanoti vari kusangana nawo, akafanana nekusabatwa zvakanaka neNational Social Security Authority, NSSA.

Vari pamudyandigere ava vagara vachinyunyuta kuti mari dzavari kupiwa neNSSA pamwedzi ishoma zvikuru, uye vamwe vanenge vafamba mitunhu yakareba vachienda kunotambira mari idzi, idzo vanosvikokundikana zvakare kutora kumabhanga nguva zhinji.

Mumwe wevakaumba sangano iri, uye vaive mutevedzeri wemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaGideon Shoko, vanoti matambudziko iwaya ndiwo akaita kuti vafunge kuumba sangano iri kuitira kuti vataure nezwi rimwe chete.

VaShoko vanoti sangano ravo rakatonyoreswa zviri pamutemo uye pari zvino rine nenhengo dzinodarika zviuru zviviri.

Vanoti vakazivisa NSSA nezvekuvepo kwesangano ravo, uye kukumbira kuti vaite musangano neboka iri, asi havasati vapiwa mhinduro yekuti vangasangana riini.

"Asi isusu sema pensioneers, eeh, tiri kungosangana nyange tisati tasangana neNSSA, nemhosva yekuti tiri kusanganirana kuti iko ma pensioneers acho vazive kuti kwaane musangano uripo unovamiririra, votaura mashoko kune vamwe kuti vajoine tiwande," VaShoko vanodaro.

Vanoti vanotarisira kuti vange vachikwanisa kuti vose vari pamudyandigere, avo vavanoti vanosvika kuzviuru makumi masere, vave nhengo dzemusangano uyu.

VaShoko vanotiwo vanenge vachipinda musangano ravo iri vanenge vachitarisirwa kubhadhara dhora rimwe chete rekuti vave nhengo dzesangano iri.

"Isusu tinongoda kuti, eeh, tiwane dhora chete kubva kune mumwe nemumwe pensioneer nemhosva yekuti tinoda kuti tive nema offices."

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG