Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votambura Zvikuru kuMaruwa


Mitengo yezvinhu zvakawanda inonzi yakwira zvakanyanya zvoita kuti vagari vekumaruwa vaomerwe.
Mitengo yezvinhu zvakawanda inonzi yakwira zvakanyanya zvoita kuti vagari vekumaruwa vaomerwe.

Kuoma kwezvinhu munyaya dzezveupfumi kunonzi nevamwe vagari vekumaruwa kuri kuwedzerawo matambudziko avo, sezvo kazhinji vachizomanikidzwa kutenga zvinhu nemitengo iri pamusoro kudarika mitengo yezvitoro zvemumadhorobha.

Semuenzaniso, kana mafuta ekufambisa dzimotokari akakwira mutengo, vezvitoro zvekumaruwa vanonzi vanobva vakwidzawo mitengo yezvitengeswa zvavo, vachipa zvikonzero zvekukwira kwemafuta.

Izvi zvinonzi zvave kuita kuti vakawanda mumaruwa vamanikidzwe kusunza zvavanoda zuva nezuva zvakaita sesipo, shuga, mafuta, munyu nezvimwe, vachishandisa chibage kana zvimwe zvirimwa zvavanenge vainazvo.

VaAlbert Goremusandu vekuMuzvezve, kuMhondoro, ndemumwe wegari vekumaruwa vave kurarama nekusunza.

VaGoremusandu vanoti vari kumanikidzwa nenhamo kuchinjanisa bhagidhi rimwe chete rechibage nepakiti inorema makirogiramu maviri eshuga.

Vanoti kuti vakwanise kutenga zvavanoda nemutengo uri pasi, vanofanirwa kukwira kuenda kudhorobha riri padyo navo, zvichireva kuti vanenge voda mari dzekufambisa zvakare.

VaGoremusandu vanoti vave kungorarama nekuchinjana nechibage nezvimwe zvavanenge vainazvo nevamwewo vanenge vaine zvakaita seshuga, sipo, mafuta nezvimwe, kunyange hazvo nedzimwe nguva vari kurasikirwa sezvo vaikwanisa kuwana mari yakawanda dai vaitengesa chibage chavo.

Hurukuro naVaAlbert Goremusandu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG