Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voronga Kuwedzera Temu yaGavhuna veRBZ, VaMangudya


VaMnangagwa vanonzi vari kuronga kuwedzera temu yaDr John Mangudya sagavhuna veRBZ.
VaMnangagwa vanonzi vari kuronga kuwedzera temu yaDr John Mangudya sagavhuna veRBZ.

Mutungamiri venyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vari kuronga kuendesa mberi temu yagavhuna vebhanga guru renyika, Doctor John Mangudya.

Mutevedzeri wemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika, VaGoerge Charamba, vaudza bepanhau reHerald kuti mutungamiri wenyika ari kugutsikana nemashandiro aVaMangudya, izvo zviri kuita kuti vade kuwedzera nguva yavo vari mukuru webhanga guru renyika.

Kuwedzerwa kwenguva yagavhuna uku kunouya panguva iyo mamwe mapoka enhau pamwe nemadandemutande azere nemashoko ekuti VaMnangagwa vakanga vamisa basa VaMangudya vachipa basa ragavhuna kuna VaAndrew Bvumbe, avo vachangobva kusiya basa kuWorld Bank kuAmerica.

Vanhu vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pemashandiro aVaMangudya, vamwe vachiti vanofanirwa kusiya basa sezvo vari kukundikana kufambisa nyaya dzezvehupfumi hwenyika, vamwewo vachiti vanofanirwa kuramba vari panyanga sezvo vari kuziva zvavari kuita.

VaMangudya vari kupomerwawo zvakare mhosva yekuunza munyika mari ye bond note, iyo inonzi nevakawanda haisi kushanda zvakanaka.

Pavakaparura mari ye bond note, VaMangudya vakavimbisa nyika kuti vaizosiya basa kana mari iyi yakatadza kushanda sezvaitarisirwa, asi nanhasi vachiri pabasa.

Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti pagara paine kutsutsumwa zvikuru nekusafamba zvakanaka kwema bond note, asi vanoti dambudziko ragara riripo mune zveupfumi rinobva mukupindira kwehurumende muhomwe yeRBZ pamwe nemashandiro ayo.

Doctor Chitambara vanoti kuita kwakadai kunokanganisa mafambiro ezvemari munyika.

Zvichakadaro, MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa iri kushora zvikuru hurongwa hwehurumende hwekuti VaMangudya varambe vari pabasa, ichiti kuita kwakadai kunorwadzisa veruzhinji vari kutambura nechekare.

Mugwaro raburitswa nebato iri kuvatori venhau, mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vati VaMangudya vakundikana zvikuru kuita basa ravo sagavhuna webhanga guru renyika.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG