Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yeZvehupfumi Inoti Haione Makambani eMunyika Achikwanisa Kugadzira zveKudzivirira COVID-19 Zvakakwana


Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti haione makambani emunyika achikwanisa kugadzira zvekudzivirira Coronavirus zvakawanda nekuda kwemamiriro ezvehupfumi munyika.
Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti haione makambani emunyika achikwanisa kugadzira zvekudzivirira Coronavirus zvakawanda nekuda kwemamiriro ezvehupfumi munyika.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezveupfumi munyika, haioni makambani emunyika achikwanisa kugadzira zvikwanisiro zvinodiwa mukudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwecoronavirus.

Zvinodiwa zvinosanganisira magorovhosi, zvekuvharisa miromo nekumeso (masks), zvekuzora zvinouraya hutachiwana (sanitizers) kanawo mbatya dzinodzivirira (protective suits) izvo zvinodiwa mukudzivirira kutapuriranwa pamwe nekuparadzirwa kwehutachiwana hwe coronavirus.

VaMasimba Kuchera, avo vanoshanda vakazvimirira, vanoti makambani akwanda emunyika haasi kushanda zvakakwana, uye vanhu vakawanda vave kuzvishandira izvo zvavanoti zvinoderedza huwandu hwezvinhu zvingagadzirwe munyika nemakambani kana dambudziko rechirwere ichi rakazokura.

Nyika dzakawanda dzine dambudziko rechirwere che COVID-19 kusanganisira America, dziri kuchema nekushaya zvekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere ichi zvakakwana zvekuti mamwe makambani anobika doro muAmerica ave kutobatsirawo kuburukidza nekugadzira hand sanitizer.

Nyika zhinji kusanganisirawo Zimbabwe, dziri kutowana rubatsiro kubva kunyika yeChina, iyo iri kutumira zvekushandisa izvi asi zvinonzi nevamwe zvinogona kuzononoka kusvika kwazvinenge zvichidiwa nekukasika.

Hurumende yeZimbabwe iri kuti yakagadzirira zvakakwana kudzivirira kupararira kwehutachiwana hwecoronavirus.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG