Accessibility links

Breaking News

Vagari Voronga Kuratidzira kuKanzuru yeHarare


Meya weHarare, Bernard Manyenyeni
Meya weHarare, Bernard Manyenyeni

Vamwe vagari vemuguta reHarare vanonzi vari kuronga kuratidzira nemusi weMuvhuro vachinyunyuta nekuramba kuri kuita kambani yakapiwa basa rekutevera zvikwereti nekanzuru, yeWell Cash, ichiri pamahofisi ekanzuru.

Vagari ava vanoti kambani iyi ichiri kuita basa yakamirira kanzuru, kunyange hazvo paine mashoko ekuti kanzuru yakagura muchato uyu.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo yakazivisa zviri pamutemo kambani yeWell Cash kuti vakanga vave kugura muchato, uye vakaipa notisi yemazuva gumi nemana, ayo avanoti ave kukwana mumazuva mashoma anotevera.

VaChideme vanoti kunyange hazvo vakadimura chibvumirano chekushanda pamwe nekambani iyi, ichamboramba iri pamahofisi avo kusvikira vapedzerana.

Kambani yeWellcash yakapiwa basa rekufambira zvikwereti kwegore rimwe chete kubva muna Mbudzi wegore rapera kusvika muna Mbudzi gore rino.

Vagari vanonzi vane zvikwereti zvemari inodarika mamiriyoni mazana matanhatu nemakumi matanhatu emadhora zvemari inonzi yaifanirwa kufambirwa nekambani iyi.

Asi matare akati nzira dzaishandiswa nekambani iyi mukuwira zvikwereti izvi dzaityora kodzero dzevagari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG