Accessibility links

Breaking News

Hupfumi hweNyika Hworamba Huchienda kuMawere, Vamwe Vachiti Huwori Ndiyo Honzeri


Mitsetse yedzimotokari dziri kutsvaga mafuta ekufambisa inonzi iri kuramba ichikura mumaguta ose munyika.
Mitsetse yedzimotokari dziri kutsvaga mafuta ekufambisa inonzi iri kuramba ichikura mumaguta ose munyika.

Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichienda kumawere munyaya dzezveupfumi munyika zvichionekwa nekushaikwa kwemafuta edzimotokari, kushaikwa kwemari yekunze, pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Vamwe vanoti huwori munyika ndihwo honzeri hombe mumatambudziko aya, ayo anonzi ari kusunga vanhu, zvikuru varombo, zuva nezuva, vachipomera hurumende kutarisa rutivi panoitwa huwori uhwu.

Vaimbove gurukota rezvehupfumi munguva yehurumende yemubatanidzwa, uye vari mutewedzeri wasachigaro webato reMDC, VaTendai Biti vanoti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekusafambiswa zvakanaka kwehurumende nevari kuitungamira.

VaBiti vanoti huwori, sehawavanoti huri kuZINARA, huri kuregwa huchitambarara munyika, izvo zvave kukanganisa kukura kwehupfumi.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti matambudziko ari munyika ari kunyanya kukonzerwa nekushaikwa kwechivimbo nehurumende kune vanoda kutanga mabhizimusi avo kana kudyara mari dzavomunyika.

Nyanzvi munyaya dzevashandi nemabasa, VaThomas Masvingwe vanotsinhirawo nyaya yekuti huwori dzihwo hwauraya nyika, vachiti matambudziko ose aya ari kurasirwa kuvashandi, avo vavanoti havasati vawedzerwa mihoro kwenguva yakareba kwazvo.

Asi nhengo yevechidiki veZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vanoramba kuti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nekusagona kutonga kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vachiti matambudziko aya akasiiwa nehurumende yaVaRobert Mugabe pamwe nezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe.

VaChitambara vanoti matambudziko mune zveupfumi ari munyika anogadziriswa chete kana pakaitwa nhaurirano munyika.

Izvi zvinotsigirwawo naVaBiti, avo vanoti kusvika munyika maitwa nhaurirano pakati pavaMnangagwa nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa, zvinhu zvicharamba zvichiomera vanhu, zvikuru varombo.

Kusvika matambudziko ose aya agadziriswa, uye vekunze vanoda kudyara mari dzavo munyika vave nechivimbo nehurumende, ruzhinji rwevana veZimbabwe rwucharamba rwuchinonga svosve nemuromo munyika yechipikirwa.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG