Accessibility links

Breaking News

Mutengo weMafuta eDzimotokari Unokwira Zvakare


Mutengo wemafuta unonzi wakakwira zvakare nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana.
Mutengo wemafuta unonzi wakakwira zvakare nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana.

Boka reZimbabwe Energy Regulatory Authority razivisa nezvekukwira zvakare kwemutengo wemafuta edzimotokari nezvikamu zvinoita gumi nezviviri kubva muzana.

Izvi zvinonzi zvasiya rita remafuta epeturu rave kutengeswa nemadhora gumi nematanhatu nemasendi makumi manomwe nemashanu, richibva pamadhora gumi nemana ane masendi makumi mapfumbamwe nemanomwe.

Dhiziri rakwirawo mutengo kubva pamadhora gumi nemashanu nemasendi makumi matanhatu nemana kuenda pamadhora gumi nemanomwe ane masendi makumi mana nemanomwe parita.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa uku kunorevawo kuti mitengo yezvinhu zvinodiwa nemunhu zuva nezuva zvakaita seshuga, chingwa, upfu nemafuta ekubikisa ichakwirawo.

VaKuchera vanoti dambudziko rinoitika nderekuti vanotakura vanhu pamwe nezvinhu vanobva vakwidzawo mitengo yavo, kuchitiwo vezvitoro, zvikuru vari kure nemadhorobha, vanenge vawedzerawo mitengo zvakanyanya.

Nyanzvi mune zveupfumi dzinoti chiri kukonzera kukwira kwemutengo wemafuta svondo roga roga inyaya yekutandanisana nehuremu hwedhora rekuAmerica, iro riri kutengeswa nemadhora emunyika anogona kusvika kugumi nemashanu padhora rekuAmerica rimwechete.

Vanoti vakawanda vane dzimotokari vave kutodzisiya kudzimba sezvo vasisakwanisa kufamba nadzo nguva dzose nekuda kwekukwira kwemutengo wemafuta uku.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG