Accessibility links

Breaking News

Mafuta eDzimotokari Oramba Achinetsa, Hurumende Ichiti Nyika Haina Dambudziko


Mitsetse yedzimotokari dziri kutsvaga mafuta inonzi yawedzera mumazuva mashoma adarika. Asi hurumende inoti zvinhu zvakagadzikana.
Mitsetse yedzimotokari dziri kutsvaga mafuta inonzi yawedzera mumazuva mashoma adarika. Asi hurumende inoti zvinhu zvakagadzikana.

Dambudziko remafuta ekufambisa dzimotokari rinonzi riri kuramba richiwedzera munyika kunyange hazvo gurukota rezvemhando dzemhoto, VaJoram Gumbo, vari kuti munyika mune mafuta akawanda.

VaGumbo vazivisa kuti munyika mune mafuta akawanda akachengeterwa kumatangi ekuMabvuku nevanotengesa mafuta vakazvimirira, asi anoda mari yekunze yekuti abhadharwe.

Vanoti zvinhu zvakamboreruka mazuva adarika mushure mekunge vabvumidzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kushandisa mafuta aive mumatura avo, ayo aive akachengeterwa nguva dzechimbichimbi.

Dambudziko remafuta iri riri kuwedzera panguva iyo kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution yakazivisawo nemusi weChina kuti magetsi angangonetsa munyika sezvo mvura yadzikira zvakanyanya kudhamu reKariba kunogaiwa magetsi.

Kambani iyi inoti dambudziko iri riri kuwedzerwawo nekusashanda zvakanaka kwemagwenya anoshanda nemarasha sezvo achembera, izvo zvave kuderedza huwandu hwemagetsi anogaiwa.

VaGumbo vanoti zvakare hurumende ichawedzera huwandu hwemagetsi airi kutenga kubva kuMozambique, uye ine hurongwa hwekuwedzerawo moto unobva muzuva.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaJohn Mufukare, avo vanoti vaswerawo vari mumutsetse wekutsvaga mafuta, vanoti dambudziko iri riri kudzorera kumashure budiriro mumakambani sezvo vashandi vave kuswera vari mumitsetse vachitsvaga mafatu edzimotokari.

VaMufukare vanoti kushaikwawo kwemagetsi kunorevawo zvakare kuti dambudziko remafuta richatowedzera, sezvo vanhu vanenge voshandisa dhiziri nepeturu zvakawanda kuti vakwanise kushandisa majenareta mukugaya magetsi.

Hurukuro naVaJohn Mufukare
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti nyika haina dambudziko remafuta mushure mekunge bhanga ravo radira mari inoita mamiriyoni makumi mashanu emadhora emari yekuAmerica kuburikidza ne avanoti ma letters of credit, yekutenga mafuta.

Doctor Mangudya vanoti mari iyi ichawanisa nyika mafuta anosvika marita mamiriyoni makumi masere nemashanu, ayo anokwana masvondo maviri, panguva imwecheteyo mamwe mafuta anenge achibhadharirwa.

Hurukuro naDoctor John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG