Zvinhu munyaya dzehupfumi munyika zvinonzi zviri kuramba zvichioma izvo zvoita kuti vanhu vakawanda vanonge svosve nemuromo.
Dambudziko guru ndere kukwira kwemitengo yezvinhu iro rinonzi riri kukonzerwa nekunetsa kwemari yekunze, iyo inonzi ndiyo yave kudiwa nevezvitoro vakawanda vachiti ndiko kuti vakwanise kuzotenga zvimwe zvekutengesa mune remangwana.
Nekuda kwekunetsa kwemari yekunze uku, vanobika chingwa svondo rapera vakakwidza mutengo wechingwa nezvikamu makumi manomwe kubva muzana, izvo zvakakwidza mutengo wechingwa kubva padhora rimwe chete nemasendi makumi mana, kuenda pamadhora maviri ane masendi makumi matatu nemashanu.
Asi hurumende yakapindira nekukasika yakamanikidza vanobika chingwa ava kuderedza mutengo kuenda padhora rimwe chete nemasendi makumi masere.
Asi mutungamiri weBakers Association of Zimbabwe, rimwe remasangano evanobika chingwa, VaWellington Peyama, vanoti danho rehurumende rinoshanda chete kana bhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, richikwanisa kuvapa mari yekuAmerica yavanoda mukutenga zvekushandisa.
VaPeyama vanoti vanobika chingwa havana kana dambudziko pakutara mutengo wechingwa vachiti vanokwanisa kana kutyengesa nedhora rimwe chete, asi ndokana chete vachibatsirwa nehurumende kuwana mari yekunze yavanoda.
Vanoti pamwedzi vanoda mari inoita madhora mamiriyoni gumi nemaviri ane chidimbu, asi havasi kuwaniswa mari iyi nguva dzose, sezvo bhanga guru renyika richinzi rawandirwa nezvinoda mari yekunze.
Svondo rapera mitsetse yemafuta edzimotokari akatanga zvakare kuonekwa mumagaraji anotengesa mafuta, danho rinonzi zvakare riri kukonzerwa nekushaikwa kwemari yekunze iyo inodiwa nevanopinza mafuta aya.
Izvi zviri kurevawo kuti danho rehurumende rekukwidza mutengo wemafuta harina kushanda, sezvo vamwe vanotengesa mafuta pamukoto vachinzi vatanga zvakare kuita izvi.
NeMuvhuro gurukota rezvemhando dzemoto, VaJorum Gumbo, vakaudza vatori venhau muHarare kuti mafuta edzimotokari azere munzvimbo dzinochengeterwa mafuta aya munyika, asi haakwanise kuwanikwa skana pasina kutanga pabhadharwa mari yekunze, iyo yavakati haisi kuwanikwa.
Vakatiwo RBZ yave kukundikana kuwanisa bazi ravo mari yekunze yavanoda sezvo yawandirwawo nemamwe mapazi ehurumende ari kudawo mari iyi.
Gavhuna veRBZ, Doctor John Mangudya, vanotiwo makambani akawanda ave kugadzira zvakawanda izvo zvakwidzawo kudiwa kwemari yekunze iyi.
"Chave kudiwa ndechekukwezva makambani aya kuti atengese zvigadzirwa zvawo kunze kuburikidza nekuapawo ma incentive.
Zvakakoshawo kuti upfumi hwenyika hurambe hwakatsigirwa kuburikidza nekutengesa zvigadzirwa kunze, vanhu vopinza mari yekunze munyika iyo inozoshandiswa zvakare kutenga zvikwanisiro.
Asi nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanopokana nemashoko aVamangudya ekuti makambani anoda mari yekunze awanda.
"Mashoko iwayo tagara tichiianzwa, asi chinoshamisa ndechekuti hatisi kuona makambani acho. Chatiri kutoona ndechekuti makambani ari kutovhara, vashandi vachimiswa mabasa."
Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti kudzamara hurumende yamira kushandisa mari yekunze mune zvinhu zvisina kukosha kana kuti zvisina basa, dambudziko remari yekunze richaramba richinetsa, mitengo yezvinhu ichiramba ichikwira.
Facebook Forum