Accessibility links

Breaking News

Botswana Yozvipira Kubatsira Zimbabwe Munyaya dzeMangoda


Botswana yagara ichizivikanwa nekushandisa zvine musoro mari inobva mukutengeswa kwemangoda.
Botswana yagara ichizivikanwa nekushandisa zvine musoro mari inobva mukutengeswa kwemangoda.

Zvizvara zveZimbabwe nezvinogara nekushanda muBotswana zviri kurumbidza nyika iyi mukuzvipira kwayo mukubatsira Zimbabwe nehunyanzvi mune zvekucherwa nekutengeswa kwemangoda kuitira kuti hupfumi husimukire pamwe chete nekuwandudza magariro evanhu munyika.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano weDiamond Symposium muGaborone, muBotswana mazuva mashoma apfuura, gurukota rinoona nezvezvicherwa muBotswana VaEric Molale vakati hurumende yeBotswana yakatsidza kubatsira Zimbabwe mushure mekunge hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakumbira rubatsiro.

Vachitaura neStudio7, VaTaurai Mutambanengwe vati chirongwa chekuti Zimbabwe ipihwe rubatsiro neBotswana mune zvekucherwa nekutengeswa kwemangoda kuchasimudzira hupfumi hwenyika.

VaMutambanengwe, avo vanoshanda pamuzinda weAngola muBotswana vaenderera mberi vachiti kushanda pamwe chete kwehurumende mbiri idzi kuchaita kuti nyaya dzemari dzinongotsakatika dzipere.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaSydney Kwangwara vaudza Studio7 kuti kuzvipira kweBotswana kunofadza. VaKwangwara, avo vane makore masere vachigara muBotswana, vanoti mashandisirwo emari inowanikwa mekutengeswa kwemangoda emuBotswana kunoyevedza.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru mukuru weBotswana Insurance Company Limited, VaNewton Jazire vanoti chirongwa ichi chinogona kupedza humbimbindoga muvamwe vakuru vakuru vehurumende.

Mari dzinovanikwa nekuburikidza kwekutengeswa kwemangoda muBotswana inoshandiswa kutumira vana kuchikoro, kurapwa kwevanhu venyika iyi pamwe nekupa vanoshaya zvekudya uye zvipfeko.

Botswana inozivikanwa pasi rose mukushandisa ngoda dzayo pakusimudzira hupfumi hwenyika pamwe nezvizvarwa zvenyika iyi.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG