Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa vasimuka neMuvhro vakananga kuDavos, kuSwiterland, kumusangano weWorld Economic Forum kana kuti WEF wechimakumi mana nesere, uyo uri kutanga nemusi weChipiri.
Musangano uyu unopindwa nevatungamiri venyika pamwe nedzihurumende, vezvemabhizimusi, pamwe nemasangano akazvimirira.
Bepanhau reThe Herald rinoti VaMnangagwa vasimuka nechikwata chakasimba chinosanganisira makurukota ehurumende, vakuru-vakuru muhurumende, pamwe nevemakambani akazvimirira.
Chikwata chaVaMnangagwa chinonzi chinosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Lt-Gen (Rtd) Sibusiso Moyo, gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemaindasitiri Doctor Mike Bimha, chipangamazano muhofisi yaVaMnangagwa VaChris Mutsvangwa, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaGeorge Charamba uye gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya pamwe negurukota rezvemigodhi, VaWnston Chitando.
Mukuru weZimbabwe Investment Authority VaRichard Mbaiwa ndemumwe wevemabhizimusi vakatungamira kare kumusangano uyu kunoyedza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi muZimbabwe.
Bepanhau reThe Herald rinotiwo uyu musangano wekutanga wava VaMnangagwa kunze kweAfrica kubva pavakatora mhiko yekuve mutungamiri wenyika musi wa 24 Mbudzi gore rapera. Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakanga vasingaenda kumisangano iyi.
Dingindirira remusangano uyu gore rino rinoti “Creating a Shared Future in a Fractured World” kana kuti kuumba remangwana rinogovanwa mupasi risina kumira zvakanaka.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Doctor Wangu Wazodze, avo vari kuNew York muAmerica, vanoti musangano wekuDavos uyu wakakoshera Zimbabwe zvakanyanya, sezvo chiri chishuwo chemwana wese weZimbabwe kuti dai Zimbabwe yadzokawo mukudyidzana nenyika dzepasi rose.
Doctor Mazodze vanoti vanofunga kuti vana veZimbabwe vose vari kufara kuti VaMnangagwa vari kufamba negwara rakanaka rekuedza kudzosera Zimbabwe mukudyidzana nedzimwe nyika.
Asi vanoti chihombe chinogona kuwanikwa neZimbabwe pari zvino kumusangano uyu, haisi mari kana vanoda kuzotanga mabhizimusi munyika, asi kuti kungowaniswa mukana wekuvakiridza zita renyika yanga ichinzi inotungamirwa nemudzvanyiriri, iyo yave kutonngwawo nemumwe munhuwo anotaura zvakasiyana nehutongo hwaivepo (hwehudzvanyiriri).
Facebook Forum