Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobhadhara Vashandi Vayo Mabhonasi Ichitanga neMasoja


US Taxes
US Taxes

Hurumende yazadzikisa chivimbiso chayo chekubhadhara vashandi vayo mari dzavo dzemabhonasi egore rapera kutanga mwedzi uno.

Izvi zvaitika zvichitevera kutambra mari idzi kwaitwa neChishanu kwevari mubazi rezvehutano.

Vari muchiuto ndivo vakatanga kutambira mari idzi neChipiri svondo rino.

Hurumende yakakundikana kubhadhara vashandi vayo mabhonasi avo muna Mbudzi wegore rapera, izvo zvakazoita kuti ivavimbise kuvabhadhara mukati memwedzi mishanu kutanga muna Kubvumbi.

Vari muchipurisa nevashandi vekumajeri vakavimbiswa kupiwa mabhonasi avo mwedzi unouya, kuchitiwo vari mubazi redzidzo vachipiwa muna Chikumi.

Ruzhinji rwose rwevashandi vehurumende rwakavimbiswa kupiwa mari idzi muna Nyamavhuvhu.

Sachigaro wesangano ravanachiremba vehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Edgar Munatsi, vanoti vashandi vatambira nemufaro kuzadzikiswa kwechivimbiso ichi nehurumende sezvo vanga vakatarisira mari dzavo nemaziso matsvuku.

Asi Doctor Munatsi vanoti kunyange hazvo vashandi vakwanisa kuwana mari idzi, hadzichina chiremera chebhonasi sezvo dzauya mushure memwedzi mishanu kubva pavakanga vachifanirwa kudziwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG