Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Nguva dzeKunge Mabhizimusi neZvitoro Zvakavhurwa


Zvitoro, mahorosero pamwe nemabhanga nezvimwe zvawedzerwa nguva dzekuvhurwa pamwe nekuvharwa.
Zvitoro, mahorosero pamwe nemabhanga nezvimwe zvawedzerwa nguva dzekuvhurwa pamwe nekuvharwa.

Mabhizimusi aya anenge ovhurwa nenguva dza6:30 mangwanani achivharwa nenguva dza6:30 manheru.

Nekuda kwechirwere cheCovid-19, mabhizimusi aya anga achivhurwa nenguva dza8:00 mangwanani achivharwa nenguva dza4:30 masikati kuitira kupa mukana vashandi kuti vange vave mudzimba dzavo panotanga kushanda mutemo unorambidza vanhu kufamba-famba kana kuti curfew, iyo inotanga nenguva dza8:00 manheru ichipera nenguva dza6:00 mangwanani.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti vanotambira nemufaro kuwedzerwa kwenguva dzekuvhura nekuvhara mabhizimusi uku, asi vanoti dambudziko richiri pazvinhu zviviri zvinoti curfew nechekufambisa.

VaKuchera vanoti pari zvino mabhazi ari kubvumirwa klutakura vanhu ndeeZUPCO chete, ayo anove mashoma, izvo zviri kuita kuti veruzhinji vanetseke pakufamba, zvikuru munguva ino yecurfew.

Vanoti hurumende inofanirwa kubvumidza mabhazi akazvimirira nevemichovha kuitira kutakura vashandi neveruzhiznji vanenge vachiri mumaguta panovharwa zvitoro nemabhizimusi.

VaKuchera vanokurudzirawo hurumende kuti itarise zvakare nguva dze curfew sezvo vamwe vakaita sevashandi vemuzvitoro vasingazobuda basa panongovharwa zvitoro, asi kuti vanenge votanga zvakare kugadzirira kuvhura mangwana kuburikidza nekusiya vatsvaira, kuronga zvimwe zvitengeswa pamwe nekuverenga mari dzinenge dzawanikwa zuvaro.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG