Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoyambira Kusagadzikana kweZvinhu Kana Mutengo weChingwa Wakakwidzwa


Vanobika chingwa vakawanda vanonzi vari kutatarika kuwana mari yekunze zvoita kuti vafunge kukwidza mitengo.
Vanobika chingwa vakawanda vanonzi vari kutatarika kuwana mari yekunze zvoita kuti vafunge kukwidza mitengo.

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti mashoko ekuti vanobika chingwa vari kuronga kukwidza mutengo wechingwa anogona kukonzeresa kusagadzikana munyika sezvo mihoro yevashandi isiri kukwidzwawo zvinoenderana nemitengo yezvinhu iri kukwira iyi.

Izvi zvinotevera mashoko aburitswa nebepanhau reSunday Mail ekuti vanobika chingwa vari kuronga kukwidza mitengo kubva padhora nemasendi gumi kuenda pamadhora mana kana mashanu kutanga svondo rino nekuda kwekunetsa kwemari yekunze yavanoda kuti vatenge zvekubikisa chingwa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti chingwa ndechimwe chechikafu chinodyiwa nevanhu zuva nezuva, zvichireva kuti kushaikwa kwacho kunogona kukanganisa zvinhu munyika, sezvakamboitika muna 1999.

VaMoyo vanoti sesangano vari kukurudzira kuti hurumende iongorore nekukasika nyaya iyi pasati paita vanotora matanho anokanganisa zvinhu.

Vanotiwo havatambire hurongwa hwehurumende hwekumanikidza vezvitoro kudzikisa mitengo yezvinhu asi pasina kugadziriswa kwezviri kukonzera matambudziko ari kuita kuti mitengo yezvinhu ikwire.

VaMoyo vanoti misika inotengesa zvinhu haitevedzeri matanho anotorwa nemasoja kana mapurisa ekushandisa shamhu kumanikidza vezvitoro kudzikisa mitengo yezvinhu.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi resangano revanobika chingwa, reNational Bakers Association of Zimbabwe kanawo bazi rezvemaindasitiri panyaya iyi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG