Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeARTUZ Dzombokanda Mapadza Pasi kweMazuva Maviri


Nhengo dzesangano reARTUZ dzambokanda mapadza pasi kwemazuva maviri dzichida kubhadharwa mihoro nemari yekuAmerica.
Nhengo dzesangano reARTUZ dzambokanda mapadza pasi kwemazuva maviri dzichida kubhadharwa mihoro nemari yekuAmerica.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzinodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana dzatevera kurudziro yaro yekuti dzisaenda kumabasa nhasi nemangwana senzira yekunyunyuta nekusatirimuka kwehurumende panyaya dzemihoro yavo.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti varairidzi vakazivisa hurumende kuti vanoda kubhadharwa mihoro yavo nemari yeku America senzira yekuti vafambidzane nemitengo yezvinhu iyo iri kuramba ichingokwira zvisina mukare akamboona.

VaMasaraure vanoti varairidzi vatambira mihoro yavo nhasi asi vashamisika kuwana mari dzavo dziri muma RTGS, dzisiri dzemari yekuAmerica.

Vanoti nekuderera kwaita mabhondi achienzaniswa nemari yekuAmerica, varairidzi vazhinji vatambira mari inosvika madhora makumi mashanu ichisanganisira mari dzekubatsirikana.

VaMasaraure vanotiwo neMuvhuro vanyora gwaro raenda kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vachivayeuchidza nezvematambudziko ari kusangana nevarairidzi.

Mamwe masangano evarairidzi ari kunyunyutawo zvikuru nekukundikana kwehurumende kubhadhara varairidzi nemari yekuAmerica, achiti achatorawo matanho ekupikisa danho iri.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG