Accessibility links

Breaking News

Nyika Yogadzirira Kuparurwa kweBhajeti reGore Rinouya.


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vave kukwenenzvera bhajeti regore rinouya vasati varipira kuparamende.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vave kukwenenzvera bhajeti regore rinouya vasati varipira kuparamende.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, svondo rapera neChishanu vakaburitsa gwaro remazano ehurumende yavo pahurongwa hwemari yebhajeti regore rinouya ra2021, re2021 Pre-Budget Strategy Paper 2020, iro rinotarisirwa kubatsira mukutsvagwa kwepfungwa dzeveruzhinji pamusoro pemashandisirwo emari nehurumende mugore rinouya ra2021.

Gwaro iri rinovewo zvakare mucherechedzo wekupinda kwehurumende muchirongwa chekuvandudza hupfumi cheNational Development Strategy, icho chinobva muna 2021 kusvika muna 2025, chichitsiva chimwe cheTransitional Stabilisation Programme, (TSP), icho chiri kupera muna Zvita wegore rino.

Pazuva rimwechete iri, komiti yeparamende inoona nezvebhajeti, mari nebudiriro yezvehupfumi, kana kuti Portfolio Committee on Budget, Finance and Economic Development, iyo iri kutungamira muhurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu, yakapetawo hurongwa hwayo hwekunzwa pfungwa dzeveruzhinji nezvavanoda kuti zvinge zviri mubhajeti renyika richashandiswa nehurumende gore rinouya.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Proser Chitambara, vanoti zvanga zvichiitwa nekomiti yeparamende izvi zvakakosha zvakanyanya sezvo zvichitevedzera mutemo mukuona kuti munhu wese anzwikwa muzvirongwa zvose zvehurumende zvinovaka nyika.

Doctor Chitambara vanoti zvakakoshawo zvikuru kuti muzvirongwa zvakaita sebhajeti renyika pave nekujeka kuitira kuti vanhu vazive zviri kutora nzvimbo.

Izvi zvinotsigirwawo nemunyori mukuru wesangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, avo vanoti nyika dzinobudirira dzose dzinotoshandisa zvinenge zvabuda muvanhu.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pa Durban University of Technology kuSouth Africa, Doctor Gift Mugano, vanoti vari kutarisira kuti bhajeti ra2021 iri richavandudza hupfumi hwenyika, asi vachiti kuti izvi zviitike hurumende inofanirwa kuramba vakamira nehurongwa ihwohwo kusvikira gore rapera, kwete kuzosiya hurongwa ihwohwo pakati pegore.

VaMoyo vanowirirana nemashoko aDoctor Mugano aya vachitiwo kazhinji zvinenge zvabva muvanhu hazvisi izvo zvinozobuda zviri mubhajeti renyika pakupedzisira.

VaMoyo vanotiwo Zimbabwe haisi nyika iri muhondo asi nguva zhinji bhajeti ravo rinopa mari yakawandisa kubazi rinoona nezvekudziviirirwa kwenyika richisiya mapazi akaita sehutano nedzidzo.

Vamwe vevemabhizinisi madiki, veBulawayo Vendors and Traders Association, vatiwo hurumende inofanirwa kukoshesawo vemabhizimusi madiki mubhajeti rayo iri sezvo vaparadzirwa mabhizinesi avo neCovid-19

Sezvo hurongwa hwekuunganidza pfungwa dzevanhu hwakapera, iye zvino gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, ndivo vave nebasa rekukwenenzvera bhajeti ravo iri vasati varipira kudare reparamende. Kana rakapasiswa neparamende rinenge rotanga kushanda muna Ndira wegore rinouya.

Zvimwe zviri mumazano akaparurwa nehurumende zvinosanganisirawo kukura nekugadzikana kwehupfumi, kuchengetedzwa kwechikafu, kuwanisa vanhu pekugara, hutano, kudyidzana nenyika dzekunze pamwe nekuzvitonga kwematunhu.

Komiti yeparamende yakapeta hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu uhwu musi wa 16 Gumiguru, Chishanu chapfuura, mushure mekuparura hurongwa uhwu musi wa wa 12 Gumiguru mushure mekuita misangano neveruzhinji mumatunhu akasiyanasiyana emunyika.

Zvikuru zvinonzi zvakanyanya kubuda mumisangano iyi zvinosanganisira kuti hurumende igadzirise nyaya yezvehutano, zvedzidzo pamwe nekudzikisa mitero inobhadhariswa veruzhinji.

Sangano reTransparent International, iro riri kuteverawo zvakadzama hurongwa uhwu, rinoti bhajeti renyika rinofanirwa kuve nezvinotarisirwa neveruzhinji zvakasiyanasiyana, zvikuru varombo, madzimai, vana, vanorarama nehurema pamwe nevakwegura.

Dingindira rebhajeti ra2021 rakanangana nekuvaka pamwe nekugadzika kwehupfumi mushure meCovid-19, kana kuti “Building Resilience and Economic Recovery Post COVID-19”.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG