Accessibility links

Breaking News

Doctor Kanyenze Voyambira Kugadziriswa kweHupfumi hweNyika Kuitira Kuti Mari Isimbewo


Zimbabweans compare the new note with the U.S. dollar note following the introduction of new notes by the Reserve Bank of Zimbabwe in Harare, Nov, 28, 2016.
Zimbabweans compare the new note with the U.S. dollar note following the introduction of new notes by the Reserve Bank of Zimbabwe in Harare, Nov, 28, 2016.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mukuru wesangano ravana chipangamazano, re Labour and Economic Research Instistute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti mari yemunyika ive nechiremera.

Doctor Kanyenze, avo vanopinda mumusangano we Tripartite Negotiating Forum sechipangamazano munyaya dzevashandi, vanoti zvakakosha kuti hurumende igadzirise zvinonetsa munyika, uye kutevedzera mitemo yenyika isati yatora matanho anobata munhu wese.

Mashoko aVaKanyenze anotevera kusagadzikana kwakabuda pamusangano weTNF wakaitwa neChitatu chapfuura, apo vashandi nevashandirwi vakabuda pachena kuti vainge vasina kusumwa pakadzikwa mutemo unorambidza kushandiswa kwemari dzekunze munyika.

Vamiriri vehurumende vaive mumusangano uyu vanonzi vakawiriranawo nevamiri vevashandi nevemabhizinesi kuti kutarwa kwemutemo uyu kwainge kwaitwa pasina kutevedzwa mitemo inosunga TNF.

Asi gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vanoti vachasvitsa zvakabuda mumusangano weTNF kudare remakurukota, kuitira kuti paonekwe matanho ekutora.

Amai Nzenza vanoti havagoni kuudza dare remakurukota zvekuita asi chavanokwanisa kuita kusvitsa kudare iri zvisungo zvakabuda mumusangano weTNF wakaitwa nemusi weChitatu.

Doctor Kanyenze vanoti zvakakosha zvikuru kuti nyaya iyi yakadzoserwa kudare remakurukota kuti rione kuti ringaite seyi nenyaya iyi.

Dare remakurukota rakatobuda kare richiti rakanga richitsigira mutemo mutsva unobata nyaya dzemari. Asi izvi zvakaitwa musangano weTNF usati wabuda nechisungo chawo.

Doctor Kanyenze vanoti vanozviziva havo kuti nyoka huru haizvirume, asi chakakosha ndechekuti hurumende inofanirwa kuremekedza mitemo yayo kuitira kuti iremekedzwewo neveruzhinji.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakasaina bhiri remutemo weTNF svondo rapera kuti uchive mutemo unoshandiswa munyika.

Mutemo uyu unosungira hurumende kuti itaurirane nevashandirwi, vashandi pamwe nehurumende pasati pashandurwa mitemo inobata nyaya dziri pasi peTNF.

Doctor Kanyenze vanoti zvinoshamisa kuti hurumende yakaenderera mberi nekuuya nemutemo unobata mari mushure memazuva mashoma VaMnangagwa vasaina mutemo weTNF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:12:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG