Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzozeya Kurudziro yeRBZ Yekuti Mari yeMunyika Ishandiswe Zvakanyanya


 Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya
Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kurudziro yagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, yekuti vanhu vashandise mari yemunyika zvakanyanya ipfungwa yakanaka chose, asi izvi zvinoshanda chete kana mari yemunyika iyi iine huremu hunounza chivimbo muvanhu.

Vachitaura kumusangano wavakaita nevemabhizimusi svondo rapera, VaMangudya vakati kushandiswa kwemari yekunze munyika kwakaonekwa muna 2008 kuti hakukudze hupfumi hwenyika kunze kwekungodzikamisa chete mitengo yezvinhu.

Vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanhu vemunyika vanofanirwa kuve nechivimbo nemari yemunyika kuitira kuti itambirike.

Izvi zvinotsigirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, avo vanoti chivimbo nemari yemunyika chinofanirwa kutangira kuhurumende, iyo vanoti iri kutara mitengo yezvinhu kusanganisira mari dzinoripirwa pama Toll gate nemari yekunze.

Vaimbotungamira sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa vanotiwo mari yemunyika inofanirwa kuzvishambadza yoga, kwete kuti iite zvekushambadzwa naVaNgudya sevanoshambadza mbatya dzekupfeka kana zvekudya.

VaMutasa vanotiwo nyaya hombe yaita kuti mari yemunyika ipere simba inyaya yehuwori, zvikuru kumusika wemari yekunze, uko vanoti vamwe vari kutenga mari yekunze nemutengo wepasi vozoitengesa pamusika mutema nemari iri pamusoro.

Asi pane chakaipa here kuti nyika ishandise mari yekunze? Doctor Chitambara vanoti kushandiswa kwemari yekunze hakuna kuipa sezvo kuchibatsira kuti hurumende isarambi ichidhinda mari sezvo isingazokwanisi kudhinda mari yekunze iyi.

Asi vanoti mari yemunyika inokwanisa kutambirika chete kana nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, yadzikamiswa.

Imwe nyanzvi mune zvemabhizimusi, vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanotsinhira pfungwa yekuti vanhu vaite chivimbo nemari yemunyika. VaMuponda vanoti izvi zvinogadziriswa chete kuburikidza nekuti nyika itengese zvigadzirwa zvayo kunze uyewo ichideredza zvainotengawo kunze.

VaMangudya vakati nyaya ye inflation vachaigadzirisa kuburikidza nesimbisa kushandiswa kwemari yemunyika, pamwechete nekukasika kuwanisa vanenge vahwinha pamusika wemari yekunze mari dzavo mukati memasvondo maviri senzira yekuti mari yekunze iwande mumabhizimusi.

Asi nyanzvi dzezvehupfumi idzi dzinoti kunze kwekunge hurumende yatora matanho amasimba kurwisana nehuwori, hupfumi hwenyika hunogadzirisika chete kuburikidza nekudzorwa kwemari yekunze kuti ishande munyika, kana kuti dollarization.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG