Accessibility links

Makambani eHurumende Anonzi Ari Kuvhiringa Hupfumi hweNyika


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa delivers his state of the nation address at a joint sitting of the parliament and the senate in Harare on December 20, 2017.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvakataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, pa State of The Nation Address zvinhu zvinofadza vanoongorora nyaya dzezvehupfumi hwenyika.

Mumwe wenyanzvi idzi, VaPersistance Gwanyanya, avo vanoshanda ne Percycon Global Fund Managers, vanoti zvakataurwa pamusoro pemakambani ehurumende, kana kuti ma ‘parastatals’ zvekuti anofanira kunyatsoongororwa, zvinhu zvine musoro sezvo makambani aya asiri kushanda nemazvo, izvo zvinokonzera kuti hupfumi hwenyika husamire zvakanaka.

VaGwanyanya vanotiwo hurumende inofanira kudzikisa mari yainokwereta uye yainoshandisa pazvinhu zvakaita sekubhadhara vashandi uye inofanira kubvisa mitemo iri kuvhiringidza avo vanoda kuisa mari yavo mumabhizimisi muZimbabwe.

“Kune vanhuwo vakawanda wanda varikupiwa mabasa nehurumende; hurumende inofanira kuita zvinhu zvinemusoro kuti mari yainoshandisa idzike. Zvinhu zvakakoshera nyika izvozvo,” VaGwanyanya vaudza Studio7.

VaGwanyanya vatiwo hurumende inofanira kukurumidza kugadzirisa dambudziko remari iyo isiri kuwanikawa munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG