Accessibility links

Breaking News

Ecocash Yodzikisa Mitero Vanotumira Mari Vachishandisa Yayo


Ecocash
Ecocash

Kambani yeEcocash, iyo iri pasi peEconet, yadzikisa mitero yekutumira kana kutambira mari nenharembozha apo dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuramba richienderera mberi munyika.

Kambani iyi yakapa chiziviso neChipiri nezvedanho rekudzikisa mitero yekutumira kana kutambira mari munhu uchishandisa nharembozha, ichiti mitero mitsva iyi yaitanga neChipiri wekare.

Mitero iyi yakadzikiswa kubva pazvikamu zviri pakati pegumi negumi nezvishanu kubva muzana.

Semuenzaniso, kambani iyi yaibhadharisa madhora matatu kuti munhu atumire mari inosvika madhora mazana mashanu. Asi iko zvino munhu ave kubhadhara madhora maviri nemashereni matanhatu.

Vamwe vanhu vataura neStudio7 vati vanotambira danho ratorwa nekambani yeEcocash.

Mumwe wevanhu ava ndiMuzvare Ruvimbo Moyo avo vati nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari munyika, vanhu vakawanda vave kunyanya kushandisa nzira yekutumira kana kutambira mari pamwe nekutenga zvinhu vachishandisa nzira yepanharembozha seEcocash.

VaNigel Gambanga ndeimwe yenyanzvi mune zveInformation Communication Technology. VaGambanga vati danho iri richabastira veruzhinji.

Amai Chipo Chauke avo vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu zvakasiyana vati mitero yeEcocash yange yagara yakakwira asi vanhu vakawanda vange vachiramba vachishandisa nzira iyi pakutumira kana kutambira mari pamwe nekutenga zvinhu nekuti inzira iri nyore pane kushandisa mabhangi.

Mupepeti webepanhau repadandemutande reTechzim, VaLimbikani Makani, vati danho iri richabatsira kusimudzira bhizimisi reEcocash.

Asi VaMakani vatiwo nerimwewo divi havawone kudzikiswa kwemitero uku kuchinyanya kubatsira nekuti veruzhinjji vave kubhadhariswa imwe mari iri kunze kwemutemo kuti vawane mari kana vatumidzirwa mari panharembozha.

VeReserve Bank of Zimbabwe vanoti kutumira kana kutambira mari pamwe nekubhadhara zvinhu kuchishandiswa nharembozha ndiyo nzira yakanyanya kushandiswa mugore rakapera panzira dzose dzekubhadhara nadzo mari kuchishandiswa nzira dzechizvino zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG