Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vogara Vakabatira Ura Mumaoko kuDzivaresekwa


VaPrecious Shumba
VaPrecious Shumba

Vanhu vakambodzingwa mudzimba dzavaigara kuDzivaresekwa vanoti vari kugara vakabatira ura mumaoko vachityira kudzingwa zvakare mudzimba idzi nekanzuru yeHarare.

Vagari ava vakazodzoswa mudzimba dzavo zvechisimba mushure mekupindira kwakaita mumiriri wenzvimbo iyi muparamende, Amai Omega Hungwe, vanova nhengo yeZanu PF.

Mumwe murume akambovharirwa imba kuDzivaresekwa 3, VaStephen Mato, vanoti havana kumboyambirwa kuti imba yavo yaizovharwa nekuda kwechikwereti chavanacho kukanzuru yeguta reHarare.

VaMato vanoti vanhu vakangosvika nomusi weChina svondo rapfuura, vakagwejenura ghedhe nemukova wepamba pavo, ndokuburitsa midziyo yavo, vachiikandira panze.

VaMato vanoti chiri kunyanya kuvarwadza, ndechokuti midziyo yavo yakapwanywa zvokuti hazvichaita kuti vaishandise zvakare.

Mumwe wevanhu vane dambudziko seraVaMato, ndiVaIsrael Mbewe, avo vanoti vane chikwereti chemadhora anodarika zviuru zviviri nemazana mana, vanoti midziyo yavo yakapwanywa payaikandwa panze.

Pakashanyira Studio7 musha weDzivaresekwa, yakawana vagari venzvimbo iyi vakabata mafoshoro nesimbi, vachiti vacharwisana nevashandi vekanzuru nevekambani inotevera zvikwereti, yeWellCash Debt Collectors, kana vakadzoka zvakare kuzodzinga vanhu mudzimba dzavo nepamusana pezvikwereti.

Mumwe mukomana wechidiki asina kuda kudomwa nezita rake, anoti sekuru vake vakabatsirwa kuwana imba iyi, nemurungu wavaishandira kare kare.

Mukomana uyu anotiwo vakanzi vabhadhare zviuru zvitanhatu zvemadhora, kuitira kuti vakwanise kutengeserwa imba iyi nekanzuru.

Mashoko aya anotsinhirwa na VaMato, avo vanoti mari iri kudiwa nekanzuru yakawanda zvikuru, sezvo basa ravari kuita richivapa madhora mashanu chete, pazuva.

VaMato, avo vane makore makumi mana nemapfumbamwe ekuberekwa, vanoti dambudziko rekushaya mari rakatanga, apo nyika yakatanga kushandisa dhora rekuAmerica mugore 2009, zvichitevera kuparara kuri kuita hupfumi hwenyika, izvo zvasiya vakawanda vasina mabasa, ukuwo hurumende, ichitadza kubhadhara vashandi vayo.

Vanoti zvinhu zvichakanaka munyaya dzehupfumi, mahofisi ekanzuru aigara akazara nevanhu vaienda kunobhadhara mitero, asi ikozvino hakuna munhu mumwe zvake, sezvo vanhu vazhinji vakadzingwa mabasa.

VaMato vanoti vakamboenda kuRowan Martin Building vakaudzwa kuti vatengese mombe, asi vanoti havana kana mombe zvayo, sezvo vasina kumaruwa kwavanoti ndiko kumusha kwavo.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti sangano ravo riri kuongorora nyaya iyi.

VaShumba vanoti zvinofadza kuti vagari ava vakapiwa mukana wokugara mudzimba dzavo mushure mekupindira kwakaita mumiriri wenzvimbo iyi muparamende.

Kunyange hazvo vanhu ava vakadzokera mudzimba dzavaigara mushure mekupindira kwakaita Amai Hungwe, imwe nyanzvi munyaya dzemitemo inoti kana kanzuru ichiburitsa vanhu mudzimba dzavo, inofanirwa kuita izvi paine chikonzi, uye vanhu vanenge vachiburitsa midziyo iyi, vanofanirwa kubata midziyo iyi zvakanaka, kwete kusiya vaputsa midziyo yevanhu.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru haisi kudzokera shure nenyaya yokuburitsa vagari ava mudzimba idzi, kudzamara vabhadhara mari dzavanadzo kukanzuru.

VaChideme vanoti dzimba idzi dzakavakwa nekanzuru kuti inge ichiwana chovuviri kuitira kuti iwanewo mari yokugadzirisa migwagwa nekuchenesa mvura inonwiwa nevagari vemuguta reHarare.

VaChimene vanoti vagari vanogona kupinda muchirongwa chokuti vabhadhare zvikwereti zvavo pashoma nepashoma, kwete kuti vashandise dzimba idzi pasina mari yavari kubhadhara.

Vanhu vakatarisana nedambudziko iri muDzivaresekwa vanodarika zana.

Asi zviri kuitika kuDzivaresekwa zvinonzi zviri kuitikawo mudzimwe nzvimbo dziri pasi pekanzuru yeHarare sezvo vanhu vakawanda vari kutadza kubhadhara mari kukanzuru.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana havana mabasa zvichitevera kuondomoka kwaita hupfumi hwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG