Accessibility links

Breaking News

Doctor Dzamara Vanosvitsa Gwaro reNyunyuto kuMutungamiri weNyika VaRobert Mugabe


Doctor Patson Dzamara
Doctor Patson Dzamara

Munin’ina wemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara neChitatu vakasvitsa gwaro ravo renyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachichema kuhurumende yavo kuti haisi kuratidza hany’a mukutsvaga mukoma wavo, pamwe nekukundikana kufambisa nyika zvakanaka.

Doctor Dzamara vanoti semhuri, zvinovarwadza kuti papera mwedzi gumi nemisere pasina chavati vanzwa pamusoro pekutsakatika kwemumwe wavo, kunyange hurumende yakakomekedzwa nematare edzimhosva kuti ibatsire mukutsvagwa kwemurume uyu.

“Kusvika pari zvino VaMugabe semutungamiri wenyika pamwe nehurumende yavo vakangonyarara, uye hapana zvavati vaita mukutibatsira semhuri kuti mukufunyura zvakaitika kuna Itai kuitira kuti tikwanise kuvhara chikamu chacho,” Doctor Dzamara vanodaro.

Vanoti mukoma wavo VaItai Dzamara vaitevedzera zviri kubumbiro remitemo yenyika pasi pechikamu kana kuti Section 49, icho chinoti munhu wese ane kodzero yekusununguka mune zvose.

Doctor Dzamara vanoti tsamba yavo kumutungamiri wenyika VaMugabe yakatambirwa zvakanaka chose nemumwe wevanoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika vanoitwa VaMuchemwa, uye vanoti vasvitsa rimwe gwaro kumutauriri weparamende, VaJacob Mudenda.

VaItai Dzamara vakapambwa nevanhu vanofungidzirwa kutivasori musi wa 9 Kurume 2015, uye kusvika pari zvino hapana ati aziva kwavari.

Hurukuro naDoctor Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG