Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti VaDZamara Havasi Nhapwa Kunze kweNyika, Asi Vakangotsakatika


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Munyori mubazi rezvemukati menyika, VaMelusi Matshiya, vaudza neChitatu nhengo dzeSenate kuti murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, havasi muhutapwa kunze kwenyika asi kuti vakashaikwa uye mapurisa ari kuferefeta kuti vari kupi.

Asi VaMatshiya vati havazivi kuti nyaya iyi yave papi.

Vachipa hombowo kukomiti yeSeneti inoona nezvekodzero dzevanhu pamusoro pebasa riri kuitwa nehurumende pakudzivirira kuburitswa kwevanhu vachinoitwa nhapwa kune dzimwe nyika, human trafficking, VaMatshiya vati VaDzamara, avo vakapamwa makore maviri apfuura, havasi muhunhapwa uye mapurisa ari kuferefeta kuti vari kupi

VaMatshiya vange vabvunzwa kuti havawoni here sekuti VaDzamara vanogona kunge vakatorwa vakaburitswa kunze kwenyika uko vari muhutapwa.

Vati sekuziva kwavo mapurisa ari kuferefeta nyaya yekushaikwa kwavo uye anofanira kunge achiudza matare edzimhosva kuti asvika papi kana kuti chii chaawana.

VaMatshiya vati zvinonetsa kuziva huwandu hwevanhu vari kubuda munyika vachinoitwa nhapwa nekuti zvinoitika muchihwande.

Vati kubvira pakabuda nyaya yemadzimai emuno aibatwa senhapwa kuKuwait pave nevanhu vanodarika mazana maviri vaibatwa senhapwa kuKuwait, South Arabia neAngola vakadzorwa kumusha.

Vati nyaya yekubata vanhu senhapwa inotoitwa zviri pamutemo uye zvakakosha kuti vanhu vave neruzivo rwakakwana vasati vaenda kunyika idzi.

Vanoti semuenzaniso Kuwait inotopa mavhiza anonzi maKadhama uye Kadhama kunyika iyi zvinoreva muranda uye zvinoreva kuti ukapihwa vhisa rakadai unenge wave kuita zvese zvinodiwa natenzi wako.

Vati bazi ravo riri kudzidzisa nhengo dzeparamende, vashandi vemizinda yeZimbabwe pasi rese, mapazi edzidzo, zvikoro, pamwe neveruzhinji kuti vazive nzira dzinoshandiswa nevanhu vanoburitsa vanhu munyika vachinovaita nhapwa.

Dzimwe dzenzira dzinowanzo shandiswa kuvimbisa vanhu mabasa anobhadhra mari yakawanda pamwe nemabhezari ezvikoro zvepamusoro.

Pavabvunzwa kuti sei United Nations isiri kuranga nyika dzakaita seKuwait, VaMastshiya vati Kuwait inhengo yeUN uyewo ine mitemo yayo ingave yakainakira asi isina kunakira dzimwe nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG