Mutumbi wegamba renyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reZapu, VaDumiso Dabengwa, wasvika munyika neMuvhuro, uye vari kutarisira kuradzikwa nemusi weMugovera kumusha kwavo kuNtabazinduna.
Mutumbi wegamba rerusununguko iri wasvika panhandare yendege yeJoshua Mqabuko Nkomo International Airport muBulawayo nenguva dzemasikati, apo watambirwa nehama neshamwari usati waendeswa kuimba yerunyararo kuNyaradzo Funeral Home, uko uchange wakachengetedzwa.
VaShepherd Nyoni, vanove muzukuru waVaDabengwa, vanoti hurongwa huripo pari zvino ndehwekuti vanhu vaungane kumba kwaVaDabengwa vachiita minamato kusvika musi weChishanu apo pachazoendeswa mutumbi wemufi kunhandare yeWhite City, makare muBulawayo, uko veruzhinji vachapiwa mukana wekuonekana negamba ravo.
VaDabengwa, avo vanga vave nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe ekuberekwa, vakashaya nemusi weChina svondo rapera kuKenya apo vaive munzira kuenda kumusha vachibva kuIndia kwavakanga vachirapwa.
Vasiya mudzimai Amai Zodwa Dabengwa nevana vashanu, pamwe nevazukuru vashanu.
Vanhu vakaungana panhamba 36 Diamond Drive, Fourwinds kuBulawayo.
Facebook Forum