Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvove neMaonero Akasiyana paNyaya yeDual Citizenship


Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindeness Paradza vanoti kutanga muna Chikunguru vanenge vafambira vana veZimbabwe vari kunze.
Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindeness Paradza vanoti kutanga muna Chikunguru vanenge vafambira vana veZimbabwe vari kunze.

Chagara chiri chishuvo chevana veZimbabwe vari kunze kwenyika chekuti vabvumidzwe kuve zvizvarwa zveZimbabe panguva imwecheteyo vave zvizvarwa zvenyika dzavagere, kana kuti dual citizenship.

Kunyange hazvo izvi zvichibvumidza mubumbiro remitemo raknyorwa muna 2013, hurumende haisati yatora matanho ekucherechedza mutemo uyu zvizere.

Asi izvi zvave kuzoshanduka zvichitevera danho riri kutorwa neparamende rekupa zvizvarwa zvezimbabwe zviri kunze kwenyika magwaro anozvibvumidza kuve zvizvarwa zveZimbabwe panguva imwechete zvisingarasikirwi nekodzero yazvo yekuve zvakare zvizvarwa zvenyika dzazvigere.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vachimirira Makonde muparamende, VaKindness Paradza veZanu PF, vanoti kutanga mwedzi unouya vachange vachitenderera vachisangana nevana veZimbabwe vachivapa magwaro aya.

VaParadza vakaudza Studio 7 kuti basa iri irchange richiitwa nemizinda yeZimbabwe iri kunze. Vana veZimbabwe vari kunze vagarawo vachida kupiwa kodzero dzekuvhota vari munyika dzavagere, zvichireva kuti kana vapiwa magwaro aya, vanenge vave nekodzero idzi.

Sachigaro veZimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, VaEsau Mavindidze, vanoti vanotambira nemufaro danho iri nemufaro nekuti vagara vachikurudzira kuti vana veZimbabwe vapiwe mukana wekuve zvizvarwa zvenyika dzavagere panguva imwechete vasingarasikirwe nekodzero dzavo kumusha.

Panyaya yekubvumidzwa kuzovhota vanhu vari munyika dzavagere, VaMavindidze vanoti vanombotarisa zvatanga kuiswa patafura, zvimwe izvo zvozoonekwa pamashure.

Asi vamwe vakaita saVaTino Mambeu vesangano reZimbabwe Exiles Forum vanoti chekutanga chinofanirwa kuitwa nehurumende kupa vana veZimbabwe kodzero dzavo dzekuvhota, zvekuve chizvarwa chenyika mbiri izvo zvozotevera mumashure.

Asi VaParadza vati panofanirwa kutanga pavandudzwa mutemo wezvesarudzo weElectoral Act, kuti ubvumidze vanhu vasiri munyika kuvhota, pasati pabvumidzwa vanhu kuvhota vari munyika dzavagere, vachiti pachine zvakawanda zvinoda kutanga zvagadziriswa.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG