Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoita Misangano neMakanzura eHarare, Chitungwiza, Norton neRuwa


Douglas Mwonzora
Douglas Mwonzora

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vachiperekedzwa nemutevedzeri wavo, VaElias Mudzuri, munyori mukuru, Amai Paurina Mupariwa, pamwe nasachigaro webato, VaMorgen Komichi, vakasangana nemakanzura eguta reHarare nezuro pahurukuro dzinonzi dzakanangana nekuti makanzuru ose ari pasi pebato iri agadzirise mafambisiro aanoita basa.

VaMwonzora vanoti uyu waive musangano wavo wekutanga pamisangano yavari kutarisira kuita nemakanzura ose pamakanzuru makumi maviri nemasere kubva mumakanzuru makumi matatu nemaviri avanoti ari pasi pebato ravo reMDC-T.

VaMwonzora vanoti zvikuru zvavakakurukura inyaya dzekuti vagari vawaniswe mvura, kutakurwa kwemarara, uye kuti migwagwa igadziriswe.

Vanoti pashure pemusangano uyu vakazosanganawo nemakanzura eChitungwiza, Ruwa neNorton.

Studio 7 yakabata vakafanobata chigaro chameya veHarare, VaStewart Mutizwa kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi, asi vakati ivo havana kupinda musangano uyu sezvo vari kwaMutare kwavari kupindawo mumwe musangano.

Takundikana kubatawo mutewedzeri wameya weHarare, Councillor Luckson Mukunguma.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri weStudio 7 naVaMwonzora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG