Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vomirira Kuona Gwara Richatorwa NaVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Kunyangwe hazvo kuenda kwevaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe kwakatambirwa neveruzhinji, vamwe vanoti hutungamiriri hwakanaka hwaVaMnangagwa huchabuda chete zvichionekwa nemabatiro avachaita sarudzo dzakatarirwa gore rinouya.

Kunyangwe hazvo mukugadzwa kwavo semutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kushanda pamwechete nezvizvarwa zveZimbabwe pamwe nekusimbaradza runyararo, VaDaniel Chirume Chiunda vanoti pari zvino hazvina chinoratidza kuti mashoko emutungamiriri wenyika aya angavimbwa navo.

VaChiunda vaudza Studio 7 kuti kudzoserwa kwemamwe makurukota ehurumende anozivikanwa nehuwori nekusagona basa zvinoita kuti vasavimba naVaMnangagwa kuti vachazadzisa zvivimbiso zvavo.

VaChiunda vanoti kunyangwe haazvo VaMugabe vakabviswa murunyararo, vachazogutsikana nekushanduka kwezvinhu kana nyika yeZimbabwe ikaita sarudzo dzakasununguka kuti vanhu vapiwe mukana wekusarudza mutungamiriri wavanoda gore rinouya.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaStanley Mutetwa vanoti kunyangwe zvazvo vakafara nekubviswa kwaVaMugabe nemauto vanoti havafunge kuti bato reZanu PF richachinja maitiro aro sezvo riri kungotungamirirwa nevanhu vaibatsira nekutsigira maitiro aVaMugabe.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika nemagariro evanhu , Dr Tinashe Mawere, vari kuDepartment of Historical and Heritage Sudies and Center for Sexualities , Aids and Gender paUniversity ye Pretoria muSouth Africa, vanotiwo zvakaitika munyika zvinoratidza simba remauto muZimbabwe.

VaMawere vanoti havaoni mauto achitendera hutongi hwemunhu asina kurwa hondo.

VaMawere vanotiwo kushaikwa kwevechidiki nevanhukadzi vakawanda pamakurukota aVaMnangagwa zvinosimbaradza kutongi kwechiuto nezera revakaenda kuhondo.

Vanotiwo kunyangwe hazvo VaMugabe vakatambudza zvizvarwa zveZimbabwe zvakanyanya kwenguva ndefu, vati vakabatwa zvakana zvikuru mushure mekusiya basa nekudawo kwekuti vakaenda kuhondo.

Veruzhunji vanoti vachakatarisira kuti hurumende yaVaMnangagwa ichagutsa zvido zvevana veZimbabwe mumwedzi yasara sarudzo dzisati dzaiitwa huye kuti pachaitwa sarudzo dzejekerere here.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG