Accessibility links

Breaking News

VaDonald Trump Vanosaina Gwaro reMirairo Yemashandiro e'Social Media'


VaDonald Trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vasaina gwaro rinodzika mirairo yavanoda kuti itevedzerwe nemakambani e’social media’, anosanganisira Twitter, Facebook, Google nemamwe.

Izvi zvinotevera kusafara kwa VaTrump mushure mezvimwe zvavakaisa paTwitter pavo zvakanzi ndezvemanyepo, zvikakonzera kuti Twitter itaurire vanhu vanoverenga zvinyorwa zvaVaTrump kwavanofanirwa kuenda kunoona chokwadi chemashoko aya.

Nyanzvi mune zvemitemo dzinoti VaTrump havana simba rekuvhara kambani, zvikuru sei dzinoita basa rekufambisa mashoko.

Vanodzidzisa Public Relations paTexas State University, kuSan Marcos, mudunhu re Texas, Muzvinafundo Prisca Ngondo vanoti VaTrump vari kupomera makambani e’social media’ mhosva dzavari kupara ivo pa’social media’ yacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG