Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Vanoshora Iran neDare reICC


VaDonald Trump vachitaura kuUnited Nations
VaDonald Trump vachitaura kuUnited Nations

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vataura neChipiri kumusangano weUnited Nations General Assembly uyo uri kuitirwa muNew York.

Uyu musangano wechipiri VaTrump vachitaura zvichitevera kusarudzwa kwavo semutungamiri weAmerica.

Vachitaura pamberi kwevatungamiri venyika zhinji dzepasi rose kugungano iri, VaTrump vashora zvikuru nyika dzakaita se Iran, Venezuela neCuba asi vakati America haiudzi dzimwe nyika magariro adzo.

Asi VaTrump varumbidza North Korea, Japan, neChina vachiti vanotambira nemufaro hushamwari nekutsigirwa nenyika zhinji.

VaTrump vati zvirango zvakatemerwa Iran neNorth Korea zvicharamba zviripo kusvika paita kunzwisisana nenyika idzi.

Vatizve vari kushanda zvakanaka nenyika dziri munharaunda yeGulf izvo zvakaita kuti varwi vanopfurikidza mwero ve ISIS vakundwe.

VaTrump vati Iran inotongwa nevanhu vasina kunaka uye vasingashandisi hupfumi hwenyika iyi nenzira kwayo.

Varumbidza kudyidzana uye zvibvumirano zvekutengeserana zvavakaita neMexico neChina asi vashora sangano rezvemafuta emotikari reOrganisation of Petroleum Exporting Countries vachiti riri kudhurisira dzimwe nyika mafuta edzimotikari.

VaTrump vatiwo nyika dzese dzinofanira kuita mitemo yadzinoda yekupinda nekubuda munyika kwevanhu uye vanotarisira kuti dzimwe nyika hadzishori mitemo yeAmerica yekupinda nekubuda muAmerica.

VaTrump vashorawo United Nations vachiti sangano iri rinofanira kuvandudzwa nekukurumidza.

VaTrump vatizve International Criminal Court haina basa uye America haizofa yakateedzera zvinoitwa kana kutarwa nedare iri.

VaTrump havana kumbotaura pamusoro peAfrica kana nyika imwe chete zvayo yemu Africa mumashoko avo kuUnited Nations General Assembly.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG