Accessibility links

Breaking News

Madhokera Oyambirwa Kusashandisa Mishonga Isingabvumidzwe muZimbabwe.


Mushonga we doxycycline.

Sangano rinoona mashandiro avanachiremba, reMecial and Dental Practitioners Council of Zimbabwe, (MDPCZ) rinoti pane madhokotera ari kunyepera varwere kuti anorapa denda reCovid-19 achishandisa mishonga isingabvumidzwe izvo zvinogona kuisa hutano hwevanhu munjodzi huru.

Sangano rinoona mashandiro avanachiremba, reMecial and Dental Practitioners Council of Zimbabwe, (MDPCZ) rinoti pane madhokotera ari kunyepera varwere kuti anorapa denda reCovid-19 achishandisa mishonga isingabvumidzwe izvo zvinogona kuisa hutano hwevanhu munjodzi huru.

Muchiziviso kune veruzhinji, kanzuru iyi yati apo hutachiwana hweCovid-19, huri kupararira nenyika yose, vana chiremba vakawanda vave kushandisa mukana uyu kupa varwere vedenda iri mishonga isati yapihwa mvumo yekushandiswa munyika.

Kanzuru yati ine humboo hwekuti mishonga mitatu iri kushandiswa zvisina mvumo ndeinoti, Ivernectin, Nano Silver neDoxycycline.

MDPCZ yati kambani yehurumende inonyoresa mishonga kuti ishandiswe munyika, yeMedicines Control Authority of Zimbabwe, haina kupa mvumo yekuti mishonga iyi ishandiswe nekudaro zviri kuitwa izvi zviri kunze kwemutemo.

Yatiwo haisi kuzorega machiremba aya achishandisa mishonga iyi uye vese vange vari kushandisa mishonga iyi, vakatonyorerwa matsamba ekuti vasiyane nazvo uye vakaramba vachiita izvi vacharangwa.

MDPCZ inoti Medicines Control Authority of Zimbabwe yakatoyambira machiremba kuti asashandisa mushonga weIvernectin sezvo mushonga uyu uri munyika, uri wemhuka chete pari zvino, kwete wevanhu.

Yati Nano Silver mushonga usati wanyoreswamuZimbabwe uye Alpha Clinic, yakapihwa mvumo yekupinza mushonga uyu munyika kuti paitwe ongororo asi hausatai wave nemvumo yekushandiswa munyika.

Munyori musangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vati zviri kuitika zvinosuwisa kuti vanhu vatambura pakusvika kupihwa mushonga wemhuka.

Dr Matara vakurudzira vana chiremba vose munyika kuti vatevedzere mhiko dzavakatora pakuita basa ravo dzinosanganisira kusashandisa mishonga isingabvumidzwe munyika.

Mutungamiri werimwe reMental and Dental Private Practitioners Association of Zimbabwe, Dr Johanes Marisa, vaudza Studio 7 kuti pane nhengo dzesangano ravo dzisiri kutevedza mutemo pakushandiswa kwemishonga.

Dr Marisa vatiwo vanonzwisisa zvichemo zvekanzuru inoona nezvemabasa avo vakati chiremba wese munyika anofanira kutevedza mitemo yekanzuru iyi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo muvedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vati titaure nasachigaro we MDPCZ, Professor Kambarami, avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hatinawo kukwanisa kunzwe kubva kuti Medicines Control Authority of Zimbabwe kuti mishonga iyi iri kupinda sei munyika sezvo isingabvumizdwe kushandiswa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG