Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Ozivisa Zvipatara Kuti Haachakwanisi Kuenda Kubasa


zimbabwe doctors strike
zimbabwe doctors strike

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, ZHDA ranyorera tsamba kuzvipatara zvehurumende, richizivisa vakuru vakuru vezvipatara izvi, kuti nhengo dzaro hadzichakwanisi kuenda kubasa kutanga nemusi wa Gunyana 3, 2019.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro hadzichakwanisi kuenda kubasa nekuti mihoro yavana chiremba haisi kuvakwanira.

ZHDA inoti harukuro dzayaita nehurumende, hapana zvadzaburitsa kusvika pari zvino.

Tsamba iyi yatumirwa kuzvipatara zvinoti Mpilo, Bulawayo United, Parirenyatwa, Harare neChitungwiza, uye yaziviswawo kugurukota rezvehutano, Va Obadiah Moyo, munyori webazi rezvehutano, Doctor Agnes Mahomva, pamwe nasachigaro we Health Services Board.

Vana chiremba vanoti sangano re Health Services Board riri kunonoka kugadzirisa mihoro yavo, izvo zvava kupa kuti vatadze kuwana mari yekuendesa kumabasa.

Vanotiwo mitengo yezvinhu yakwira zvokuti havachakwanisi kurarama zvakanaka nemihoro yavanotambira.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri we ZHDA, Doctor Peter Magombeyi, vanoti vana chiremba havasi kuramwa basa asi kuti havana mari yekuti vaende kumabasa sezvo zvinhu zvakawanda zvakwira mitengo yazvo.

Doctor Magombeyi vati munhaurirano dzavakaita muBipartite Negotiating Panel, hurumende, kuburikidza neHealth Services Board, yakati yaikwanisa kuwedzera vana chiremba mihoro yavo nezvikamu makumi matanhatu kubva pazana, mari iyo vanoti ishoma zvikuru pachitariswa kukwira kwaita mitengo yezvinhu.

Taedzawo kubata gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, asi munhu adaira nharembozha yavo, ati titaure naVa Donald Mujiri, vanova public relations manager mubazi rezvehutano.

VaMujiri vabvuma kuti vagamuchira tsamba yabva kusangano re ZHDA, uye vati bazi ravo rakamirira kunzwa ku Health Services Board, iro rinobata nyaya dzavana chiremba.

Doctor Magombeyi vanoti vakatadza kuwirirana nehurumende pamari dzavanofanirwa kutambira nokudaro, vanotarisira kuti hurumende ichanyatsofungisisa pamusoro pedambudziko rakatarisana navana chiremba.

Doctor Magombeyi vanoti vanoda zvikuru kuenda kubasa kuitira kuti vanobatsira varwere, asi mari yekuti vaende kubasa Havana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG