Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Hurumende Ngaigadzirise Zvichemo Zvavo Kuti Vadzokere Kubasa


Doctors On Strike Zimbabwe
Doctors On Strike Zimbabwe

Vana chiremba vemuHarare varatidzira kekutanga kubvira zvavatanga kuramwa mabasa kutanga kwedzi uno vachipika kuti kunyange hurumende ikavatyityidzira zvakadii, havasi kuzodzokera kumabasa zvichemo zvavo zvisati zvagadziriswa.

Vana chiremba ava vati zviri pachena kuti hurumende haina hany’a nehutano hweveruzhinji sezvo zvichemo zvavo zvave nemakore akawanda hurumende ichivimbisa kugadzirisa asi pasina chinobuda.

Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association (ZHDA), Dr Amos Tsopo, vati hapana chine musoro chakabuda panhaurirano dzavakaita nehurumende.

VaTsopo vati nekuda kwekuti vanoshanda muzvipatara zvinorapwa vanotambura, vanorwadzikana zvakanyanya kuti vari kufirwa nevarwere vavanofanirwa kunge vachibatsira nekuda kwekushaikwa kwezvekushandisa muzvipatara.

VaTsopo vatiwo vanoshungurudzika zvikuru nemari yavakawedzerwa nehurumende masenzi makumi manomwe nemashanu chete paawa rimwe chete.

Vanachiremba vari kuda kuti mari yavanoshandira paawa imwechete isvike pagumi remadhora kubva padhora nechidimbu ravari kuwana pari zvino.

Mumwe wevanachiremba vanga vachiratidzira vangoda kuzivikanwa nezita rekuti Dr Jessica vati sevanhu vasinawo mari vanorapwa pazvipatara zvehurumende, vanoda kutiwo zvipatara izvi zvive nezvekushandisa zvakakwana.

Dr Jessica vatiwo kushanda vasina zvakakwana kuri kuisawo hutano hwavo panjodzi.

Izvi zvatsigirwa naDr Lina Mambondiyani avo vati vanoshandira kuchipatara cheHarare Hospital.

Dr Mambondiyani vati kwavanoshandira kana mvura chaiyo inonetsa kuwana.

Vanotaura vakamirira ZHDA, Dr Mxolisi Ngwenya, vati havasi kuzodzokera kumabasa kana zvichemo zvavo zvisati zvagadziriswa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya yavana chiremba.

Asi hurumende inoti iri kuedza kutaurirana nanachiremba ava kuti vadzokere kumabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG