Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vokurudzira Sadc, AU neUN Kupindira muZimbabwe


Zimbabwe Fuel Protests
Zimbabwe Fuel Protests

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights riri kukurudzira masangano e Southern African Development Community, Sadc, African Union, AU, pamwe ne United Nations, UN, kuti masangano aya aise musoro pamwe chete kuitira kuti abatsire mukugadzirisa dambudziko ratarisana neZimbabwe.

Sangano iri rinoti riri kushushikana zvikuru nekupfurwa pamwe nekuurayiwa kuri kuitwa vanhu zvichitevera kuratidzira kwakatanga nemusi weMuvhuro.

Sangano ravana chiremba iri rinoti masangano e Sadc, AU, neUN anofanirwa kuona kuti kodzero dzevanhu vemuZimbabwe hadzisi kutyorwa nehurumende.

Asi hurumende, kuburikidza negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, inoti mapurisa ayo ari kuchengetedza runyararo, uye mhirizhonga iri kukonzerwa nevemapato anopikisa.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti bato ravo harineyi nehurongwa hwekuratidzira uhu uye hurumende yava kutsvaga huta nemugate.

Sangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti rabatsira vanhu vakawanda zvikuru avo vari kukuvara mumhirizhonga iri kuitika munyika.

Mutauriri wesangano iri, Dr Fortune Nyamande, vanoti pavanhu vari kurapwa nenhengo dzavo, pane vanhu vanodarika makumi matanhatu vakapfurwa, uye vamwe vacho vachine mabara mumiviri yavo.

“Sesangano ravana chiremba, tiri kuita pose patinogona napo kubatsira vanhu vari kukuvara mumhirizhonga. Asi tinoda kuti masangano akaita seSadc, AU ne UN apindire pane zviri kuitika muZimbabwe nekuti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa,” vadaro Dr Nyamande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG