Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanoti Zviri Nani VaParirenyatwa Vasiye Basa


Dr Mxolisi Ngwenya

Vana chiremba vanoti vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvichemo zvavo.

Vana chiremba ava vari kupika kuti havasi kuzodzokera kumabasa kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Svondo rino rave retatu vana chiremba ava vachiramwa basa zvisineyi kuti hurumeende yakati vachange vasingapihwe mari dzavo dzemihoro panguva iyo vanenge vachiramwa mabasa.

Vana chiremba ava vari kukurudzirawo gurukota rezvehutano, Dr. David Parirenyatwa, kuti vasiye basa sezvo vari kutadza kugadzirisa zviri kunetsa mubazi ravo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rava Parirenyatwa.

Asi mutauriri we Zimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti vari kuyambira hurumende kuti isavhunditsira vanachiremba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG