Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vanopinda Muzuva Repiri Vachiramwa Mabasa


Vana chiremba vapinda neChina muzuva repiri rekuramwa mabasa. Vana chiremba avo vanoti pamusangano wavaita nebazi rezveutano, hurumende yavimbisa kutambira chinyunyuto chimwe chete chete.

Vachitaura neStudio7, mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Dr Edgar Munatsi, vati nhengo dzavo zhinji hadzisi pabasa sezvo vakamirira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende.

VaMunatsivati vanotorwadziwa zvikuru sanachiremba kuti hupenyu hwevanhu huri parumananzombe nekuda kwekuramwa mabasa kwavo uku. Vakurudzira hurumende kuti ikurumidze kugadzirisa zvinyunyuto zvavo.

VaMunatsi vatinhengo dzavo dziri kutyityidzirwa nevamwe vakuru vemuzvipatara asi vati mumusangano wavaita nehurumende nhasi, vavimbiswa kuti kuita kwakadai kuchamiswa.

Vana chiremba vanoti pahurukuro dzavaita nhasi nehurumende, hurumende yavimbisa kugadzirisa chinyunyuto chimwechete chekuvawanisa mabasa kana vapedza zvidzodzo zvavo zvepamusoro.

Pari zvino hurumende yange ichibatirira kuzvitupa zvana chiremba ava kwegore kunyange hazvo hurumende yange isingavapi mabasa.

Mubati wehomwe musangano reZimbabwe Hospital Doctor’s Association, VaInnocent Zano, vati chinangwa chavo ndechekuti hurumende igadzirise zvinyunyuto zvavo zvese, vonyorerana pasi kuti vadzokere kubasa.

Pashanyirwa chipatara cheParirenyatwa, vana chiremba vange vakatogara zvavo vachitaura nyaya nguva dzebasa.

Studio 7 yatadza kutaura nevarwere sezvo kwange kuchidiwa tsamba kubva kubazi rezveutano .

Asi VaBrian Paradza, avo vashanyira hama yavo kuParirenyatwa vakurudzira hurumende kuti igadzirise dambudzo iri vakati murwere wavo kubva nezuro haasati awonekwa nachiremba.

Bazi rezvautano rabudisa gwaro rekukurudzira vana chiremba kuti vadzokere kumabasa apo zvichemo zvavo zvinenge zvichigadziriswa.

Asi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yaburitsa mashoko ichiti haisi kufara nezviri kuitwa nehurumende yeZanu PF iyo iri kuvhiringa hutano hwenyika yese nekutadza kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG