Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Anoti Achadzokera Kubasa Kana Hurumende Yavapa Mari Inokwanira


Doctors Strike In Harare
Doctors Strike In Harare

Sangano ravana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Assocition, ZHDA, rinoti nhengo dzaro hadzisi kuzodzokera kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavana chiremba.

Sangano iri rinoti rinotambira mutongo wakaturwa nedare wekuti vana chiremba ava vadzokere kubasa mukati memaawa makumi mana nemasere, asi rinoti vanachiremba havana mari dzekuti vaendese kumabasa avo.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri we ZHDA, Dr. Masimba Dean Ndoro, vati vanga vakabatikana kuti vataure nesu.

Asi imwe nhengo yeZHDA, Dr. Mthabisi Bhebhe, vati vanoremekedza zvikuru mutongo wakapihwa nedare nemusi weChishanu, asi vachadzokera chete kubasa kana hurumende yavapa mari inovakwanira.

Dr. Bhebhe vati mari dzekufambisa dziri kuramba dzichikwira nguva dzose, ukuwo mitengo yezvimwe zvinhu zvinokosha mukurarama, ichiita chamurambamhuru kukwira.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reHealth Services Board, sezvo sachigaro vesangano iri, Dr. Paulinas Sikosana, vanga vasiri kubatika panharembiozha yavo.

Tatadzawo kubata gurukota rezvehutano, Dr. Obediah Moyo, avo vati tibate mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi ravo, VaDonald Mujiri, avo tambobatawo vakati tiatange tabata Dr. Moyo.

Vana chiremba vakatanga kuramwa mabasa musi 3 Gunyana vachiti vanoda kuti hurumende ivabadhare mari dzinovakwanisa.

Hurumende inoti yakawedzera mari dzavana chiremba nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, asi vanachiremba vati yaive shoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG