Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Oramba Kuvhundutsirwa neHurumende Kuti Adzokere Kubasa


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Sangano ravana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, ZHDA, rinoti harisi kuzofa rakavhundutswa nemashoko ehurumende ekuti nhengo dzaro dzichadzingwa basa panopera kunzwikwa nyaya dzemadhokera asiri kuenda kumabasa nekomiti inoranga vanotadza pamabasa avo.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZHDA, Dr. Tawanda Zvakada, vanoti zvakataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, zvekuti hurumende inogona kuti vana chiremba ava vabhanwe zvekuzotadza kushanda semadhokotera, hazvisi zvinhu zvinovavhundutsa.

Dr. Zvakada vanoti chitsvambe chiri pahurumende nokuti ndiyo inofanirwa kuona kuti yatambirisa vana chiremba mari dzinokodzera.

Dr. Zvakada vanoti ivo nevamwe vavo vanoda zvikuru kuenda kubasa, asi chiripo ndechekuti havana mari dzekuti vaendese kumabasa kwavanoshandira vari.

β€œIsu hatina mari. Tikapihwa mari nemushandirwi tinodzokera kubasa. Izvi zvekutyityidzira vamwe izvi hakuna kwazvinosvika. Mushandirwi ngaabhadhare vashandi vake mihoro inofakwanira kuitira kuti vakwa,” vadari Dr. Zvakada.

Vachitaura neStudio7 neChishanu, VaMutodi vakati hurumende haisi kufara nekusaremekedza mitongo yematare kuri kuitwa navana chiremba. Vakatiwo vose vana chiremba vari kuzvidza komiti inoranga vatadza pamabasa, vachadzingwa sezvinodiwa nemutemo.

VaMutodi vakatiwo pane vanhu vari kufurira vana chiremba ava kuti vasaende kubasa kuitira kuti vasvibise chimiro chehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Dr. Zvakada vanoti vana chiremba vanoda zvikuru kudzokera kubasa kuitira kuti vanobatsira varwere. Asi Dr. Zvakada vanoti dambudziko guru riripo nderekuti havana mari dzekuti vaendesa kumabasa avo.

Vana chiremba vakatanga kusaenda kubasa musi wa 3 Gunyana vachiti hurumende inofanirwa kutanga yagadzirisa zvichemo zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG