Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Anoramba Kutambira Mari Yakawedzerwa neHurumende Achiti Ishoma Zvikuru


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Sangano ravana chiremba re Zimbabwe Hospital Doctors Association rinoti nhengo dzaro hadzisi kuzodzokera kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavana chiremba.

Sangano iri rinoti rakaramba kutambira mari dzakawedzerwa nehurumende pamusangano wakaitwa neChishanu, richiti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvakanzi zviri kuwedzerwa nehurumende, zvishoma zvichienzaniswa nekukwira kwaita mitengo yezvinhu.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri we Zimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Masimba Dean Ndoro, vanoti nhengo dzesangano ravo dzichadzokera kubasa kana sangano re Health Services Board ragadzirisa zvichemo zvavo.

Studio7 yakundikana kubata sachigaro weHealth Services Board, Dr. Paulinas Sikosana, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi hurumende inonzi yazivisa vana chiremba kuti vanofanirwa kuenda kubasa nemusi weMuvhuro mangwanani sezvo yakawedzera mihoro yavo, pamwe nemari dzekubatsirikana.

Asi Dr. Ndoro vanoti vana chiremba vacharamba vachiramwa kubasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Dr. Ndoro vanoti savanna chiremba vanonzwa tsitsi nekutambura kuri kuita varwere muzvipatara, asi havakwanisi kuenda kuzvipatara zvavanoshandira nepamusana pekushaya mari inoita kuti vararamewo zvakanaka.

Dr. Ndoro vanoti vanachiremba havagoni kuenda kubasa vaine nzara, nokudaro hurumende inofanirwa kuona kuti yagadzirisa dambudziko rakatarisana navana chiremba vemuzvipatara zvehurumende.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi 3 Gunyana vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi, vakapambwa nevanhu vasiri kuzivikanwa musi waGunyana 14, vakatochwa zvakaipisisa.

Vakazowanikwa vari kuNyabira manheru emusi waGunyana 19, vakabva vaendeswa kuchipatara kuti vanorapwa.

Kupambwa kwaDr. Magombeyi kwakaita kuti vamwe vashandi mubazi rezvehutano varamwewo mabasa vachiti vachadzokera kubasa chete kana Dr. Magombeyi vawanikwa vari vapenyu.

Kunyange hazvo Dr. Magombeyi vakazowanikwa vari vapenyu, vana chiremba ava havana kudzokera kubasa.

Pari zvino Dr. Magombeyi vari kurapwa vari kuSouth Africa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG