Accessibility links

Breaking News

Hurumunde Yovimbisa Kugadzirisa Zvichemo Zvaana Chiremba?


Dr Mxolisi Ngwenya
Dr Mxolisi Ngwenya

Hurumende inonzi yakavimbisa kugadzirisa zvichemo zvose zvavana chiremba vari kuramwa mabasa ichiti ichawedzera mari dzekubatsirikana kubva padhora rimwe nemakumi mashanu emasenzi pa awa imwe chete, kusvika pamadhora mashanu pa awa.

Hurumende inonziwo yakabvumawo kuti mari dzavana chiremba ava dziwedzerwe, uye kuti vapihwe mukana wekukwereteswa mari dzekutenga motokari dzavanoshandisa kuenda kumabasa.

Zvinonziwo vana chiremba ava vachabhadharwa mari dzavo panguva iyo vanga vachiratidzira, izvo zvanga zvakanzurwa nehurumende.

Zvese izvi zvinonzi zvakabuda mumusangano wakaitwa neChitatu pakati pevanomiririra sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association nevatevedzeri vaviri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi naVaConstantino Chiwenga.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mutauriri we Zimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti kunyange hazvo vakavimbiswa izvi neChitatu, vamirira kunyorerana pasi nehurumende vasati vadzokera kumabasa.

Vana chiremba ava vava nemasvondo matatu vachiramwa basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG