Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vanoramba Kumira Pamberi peKomiti Inoranga Vanokanganisa paMababsa


Vanachiremba, avo vari pakuramwa mabasa, varamba kumira pamberi pekomiti inoranga vashandi pabasa ye disciplinary committee.
Vanachiremba, avo vari pakuramwa mabasa, varamba kumira pamberi pekomiti inoranga vashandi pabasa ye disciplinary committee.

Komiti inoranga vanokanganisa pamabasa, kana kuti disciplinary committee, yakaumbwa neHealth Services Board kuti inzwe nyaya dzavanachiremba vari kuramwa mabasa inonzi yatanga kunzwa kubva kuna vanachiremba ava zvikonzero zviri kuita kuti vasaenda kumabasa.

Asi vanachiremba vakatozivisa kare kuti havasi kuzokwanisa kunomira pamberi pekomiti iyi, vachiti havana mari dzekufambisa.

Sachigaro vebhodhi reHealth Services Board, Doctor Paulinus Sikosana, vaudza Studio7 kuti vanachiremba havana kutevera bumbiro remitemo, uye vakazvidza dare, nekudaro komiti yavo ichatevera zviri mumutemo wezvemabasa, weLabour Act, uyo unonzi unoti anenge akundikana kumira pamberi pekomiti iyi anopiwa mutongo wake asipo.

"Chekutanga ndechekuti havaremekedze bumbiro remitemo yenyika. Havana kuremekedza mutongo wedare reLabour Court futi. Havasi kuvimba nedare here kuti vaite mafungiro avainawo aya? Saka nekudaro havasi kutevera mutemo, asi tichaenderera mberi sezvinodiwa nemutemo wemabasa nevashandi we Labour Act," vadaro Dr. Sikosana.

Bepanhau reHerald rinoti vanachiremba vangangosvika chiuru nemazana matatu vanotarisirwa kunge vachimiswa pamberi pekomiti iyi nekuda kwekuti vanga vasiri kuenda kumabasa.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa3 Gunyana gore rino vachida kuti hurumende iwedzere mihoro yavo pachitariswa zvikamu zvinenge zvichishandiswa kumabhanga kupima huremu hwedhora rekuAmerica zvichienzaniswa nemari yemunyika pazuvaro.

Vakafanobata chigaro chemunyori wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Tawanda Zvakada, vanoti vanachiremba vanga vasina ruzivo rwekuti vanofanirwa kumira pamberi pekomiti iyi nemusi weChina, asi kuti vakanga vaziviswa kuti vaizodiwa neChishanu.

Doctor Zvakada vanoti kunyange hazvo vari kutarisirwa kuenda kukomiti iyi, nhengo dzavo hadzisi kuzoenda sezvo dzisina mari dzekufambisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG