Accessibility links

Breaking News

Health Services Board Inoti Yawirirana navanaChiremba vari Kuramwa Mabasa


Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vave kusvitsa mazuva gumi nemana vari pakuramwa mabasa.

Bhodhi rezvehutano, reHealth Services Board, nezuro rakabudisa gwaro rinokurudzira kuti vana chiremba vari pakuramwa mabasa vadzoke kubasa, richiti hurumende yave kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba ava.

Asi mutungamiri wesangano ravanachiremba vezvipatara zvehurumende reHospital Doctors Association, Doctor Mloxisi Ngwenya varamba mashoko aya, vachiti hapana chati chatenderanwa uye vanachiremba havasi kuzodzokera pamabasa.

Mutauriri wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti sesangano, vanoshora zvikuru danho ratorwa nebhodhi rezvehutano iri rekutaura zvisina kuwiriranwa navachiremba

Doctor Nyamande vanoti bhodhi iri ranga risingafanirwi kumhanyira kuenda kumapepanhau kunoshambadza kuti vawirirana, pane kuita zvinhu negwara kuti zvinonetsa zvigadziriswe.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG