Hurumende inonzi iri kuronga kuendesa vanachiremba vari kuramwa mabasa kumatare edzimhosva senzira yekugadzirisa makakatanwa aripo panyaya dzemihoro.
Sachigaro veHealth Services Board, Doctor Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 kuti vanachiremba vari pakuramwa mabasa ava havafanirwe kushandisa nzira dzekubuda mumisangano yavanenge vachiita yekuzeya nyaya dzemihoro kuti vamanikidze hurumende kuvabhadhara mari dzavanoda.
Doctor Sikosana vati nekudaro hurumende yave kuronga kuti ishandise mutemo kumisa kuramwa mabasa uku, vachiti vamwe vevanachiremba vari pakuramwa mabasa vachiri vana vechikoro zvekuti havangaudze hurumende zvekuita.
Asi vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Masimba Ndoro vanoti vanachiremba havasi kuzotyisidzirwawo nenyaya yekuendeswa kumatare, vachiti chinopedza gakava riripo kunge hurumende yanzwa zvichemo zvavo, vogara pasi vawirirana.
Doctor Ndoro vanoti kusaenda kumabasa kwavanachiremba hakurevi kuti vari kuramwa mabasa, asi kuti vari kushaya mari dzekufambisa.
NeMugovera, gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo vakanyora gwaro raikurudzira vanachiremba kuti vadzokere kumabasa nemusi weMuvhuro, Gumiguru 07, 2019, kukundikana kwavo vanenge vatyora chibvurano chavo chebasa zvinozoita kuti vatorerwe matanho.
Asi vanachiremba, kuburikidza nesangano ravo reZimbabwe Hospital Association, raburitsawo gwaro richiti rinosuruwara nemashoko egurukota rezvehutano aya.
Sangano iri rinoti vanachiremba munyika yose vari kutoshushikana nekutambura kuri kuita vanhu munya dzezvehutano, avo vari kutyorerwa kodzero dzavo nemushandirwi uyo rinoti haasi kuteerera zvichemo zvavo.
Facebook Forum