Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Anoratidzira muHarare Pamwe neKusvitsa Nyunyuto Dzawo kuParamende


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Vanachiremba vakuru varatidzira muHarare vachiti vari kuda kuti mari dzavo dzemihoro dziwedzerwe pamwe nekupihwa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo.

Madhokotera aya atiwo nhuna dzavavanachiremba vadiki dzinofanirwa kugadziriswa nekukasika kuitira kuti vakwanisewo kuita basa ravo nemazvo.

Vanachiremba vakuru vabatana navanachiremba vadiki vachiratidzira vakachengetedzwa nemapurisa kubva pachipatara cheParirenyatwa kusvika kudare reparamende vachiimba zvakaomarara vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza hurumende pamwe negurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, nekutadza kugadzirisa nhuna dzavanachiremba avo vari kuramwa mabasa.

Vasvika paparamende, madhokotera mana ndiwo aenda kunosiya gwaro renyunyuto muparamende.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, zvichitevera kuratidzira kwaita anachiremba ava sezvo vanga vachiti vakabatikana mune mumwe musangano.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano ravanachiremba vakuru reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association, VaRaphael Makota, vati vana chiremba vakuru havasi kufara nemari dzemihoro dzavari kutambiriswa nehurumende, kusawanikwa kwezvikwanisiro zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo pamwe nekutadza kuri kuita VaMoyo kugadzirisa zviri kuita kuti vanachiremba vatsutsumwe.

VaMakota vati zvinovarwadza kuti varwere vari kufa nepamusana pekutadza kuri kuita hurumende kugadzirisa nhuna dzavanachiremba vari kuramwa mabasa.

VaMakota vati mugwaro ravasvitsa kudare reparamende vari kudawo kuti bhodhi rezvehutano reHealth Service Board ripwanywe paumbwe komisheni yeHealth Services Commission.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wesangano ravanachiremba vadiki reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Masimba Ndoro, vaudza Studio7 kuti dare reparamende rinofanira kutora nyaya yanachiremba roikoshesa kuitira kuti nhuna dzanachiremba dzigadziriswe kuitira kuti varwere vasarambe vachifa muzvipatara.

VaNdoro vatiwo nhengo dzesangano ravo hadzisi kuzodzokera kubasa kudzamara nhuna dzavo dzagadziriswa kunyange hazvo dare remakurukota nezuro rakabvumirana kuti hurumende haisi kuzowedzera nguva yakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vana chiremba vari kuramwa mabasa ava vadzoke pabasa pasina mibvunzo.

Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vakaudza vatori venhau nezuro kuti hurumende ichaita nhaurirano dzemari yemihoro nezvimwe zvakadaro nanachiremba vanenge vadzoka kubasa chete kwete avo vari kuramwa mabasa.

VaMoyo vanoti hurumende iri kuedza kugadzirisa nhuna dzavanachiremba dzinosanganisira nyaya dzekushomeka kwemichini yavanoshandisa mukurapa varwere, asi vanoti zvimwe zvezvichemo zvavanachiremba hazvikwanise kugadziriswa nezuva rimwe chete.

Kuratidzira kwaitwa nanachiremba vakuru vakabatana nanachiremba vadiki kunouya apo vanachiremba vadiki vapinda muzuva rechimakumi mapfumbamwe nemana nhasi kubva zvavatanga kuramwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG