Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Anoratidzira Zvakare Achiti Hurumende Igadzirise Zvichemo Zvavo


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Madhokotera aratidzira zvakare pachipatara cheParirenyatwa muHarare achitsutsumwa nekwaati kusagadziriswa kwedambudziko rawo kuitira kuti akwanise kudzokera kumabasa.

Vana chiremba ava vatiwo havasi kuvhundutswa nemashoko ehurumende ekuti vachanyimwa mari dzemihoro .

Vanachiremba nhasi vasvitsa mazuva makumi matatu vachiti havana zvikwanisiro zvekuti vaende kumabasa.

Vanachiremba ava varatidzira nhasi vakafamba kusvika kune mahofisi eHealth Services Board uko vati havasati vanzwa mhinduro yezvichemo zvavakaisa.

Vakasanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors' Association, ZHDA, Dr Masimba Ndoro, vati mushandirwi wavo haasi kuratidza hany'a yekugadzirisa zvichemo zvavo.

Dr Ndoro vatiwo havatyityidzirwe nezviri kutaurwa nehurumende zvekuti vachanyimwa mari dzavo dzemihoro vachiti kwavari hapana musiyano sezvo mari yacho yavari kutambira isingakwani.

Dr Ndoro vati vanachiremba vane chido chekushanda mazuva ese kana hurumende ikavawanisa mari inoita kuti vaende kumabasa.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe chiremba, Dr Leanmore Shoti, avo vati havavhundutswe nekubvisirwa mari dzemihoro vachiti mari yavari kuwana haina pundutso

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru muZHDA, Doctor Tawanda Zvakada, vatiwo vanotoshamiswa nemashoko eHealth Services Board ekuti vaende kubasa zvichemo zvavo zvichitariswa vachiti pari zvino havatorina mari yacho yekuenda kubasa.

Mumwewo zvakare chiremba anga ari pakuratidzira apa, Dr Klepperton Magara, vatiwo zvibvumirano zvavakanyorerana pasi nehurumende zvairatidza kuti mihoro yavo inenge iri yemadhora ekuAmerica, asi ivo vava kupihwa mari dzemaRTGS Dollar.

VaMagara vati vanachiremba havachakwanisi kubhadhara pekugara pamwe nekutenga zvekudya vakatiwo pabasa ravo dzimwe nguva vanopedzisira vobatsira varwere vasina chauviri asi vakati izvi hazvichakwanisiki.

Kusavapo kwaana chiremba kwokonzerawo kuti vamwe varwere, kunyange vanga vari muzvipatare, vaburitswe hutano husati hwamira zvakanaka.

Kuchipatara cheParirenyatwa ichi mumawadhi ane chitsama anga angosara vanhu vashoma, kumwewo kusina vanhu zvachose.

Vanachiremba vari pasi peSenior Hospital Doctors Association vakazivisawo hurumende nezuro kuti vachange vachiramwawo mabasa kutanga mangwana, China, kana hurumende ikasagadzira zvichemo zvemachiremba.

Health Services Board inoti mutemo wehurumende wekuti vashandi vakasashanda havawani mari yemihoro.

Sachigaro veHealth Services Board, Dr. Paulinas Sikosana, vati nguva nenguva vanoita hurukuro nevashandi pasi peHealth Service Bipartite Negotiation Panel asiwo vakati zvimwe zvavanenge vabvumirana, vanachiremba vanozoramba kuzvitambira.

Vatiwo hurumende ichiri kuongorora dambudziko remari yevashandi vebazi rezveutano kuitira kuti rigadziriswe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG