Accessibility links

Breaking News

Varwere Votambura Zvichitevera Kuramwa Mabasa Kuri Kuitwa Muzvipatara


Byo Doctors strike

Varwere vari kuchema chema zvikuru kuhurumende kuti igadzirise zviri kudiwa nanachiremba kuitira kuti vasarasikirwe nehupenyu hwavo.

Varwere vanotiwo kuramwa basa kwavana chiremba kuri kuisa hutano hwavo parumananzombe.

Pashanyirwa chipatara cheHarare Hospital nhasi neStudio7 varwere vanorwarisa chete ndivo vange vachibatsirwa vamwe vachinzi vadzokere kumba vozorapwa kana vana chiremba vadzoka kubasa.

Amai Sekai Ganyani Mushandu, avo vane mwana ane dambudziko remoyo, vanoti havachaziva zvekuita nemwana wavo uyo anonyorerwa mishonga mwedzi wega wega.

Amai Mushandu vati chikumbiro chavo ndechekuti hurumende igadzirise zviri kunetsa kuitira vanaChiremba vadzokere pamabasa.

Amai Previous Sachinda, avo vaenda kunorapwa kuHarare Hospital vakadzokera kumba vasina kuwana rubatsiro, vaudza Studio7 kuti varwadziwa zvikuru kudzorerwa kumba vachidzimbikana nemuviri.

Vamwe amai varamba kudomwa nezita vane mwana ane mazuva matanhatu azvarwa, pachishandiswa oparesheni sezvo matumbu ake aive akazvimba, vati vana chiremba havasi kuuya nguva dzese kuzowona vana vari muwadhi mavo izvo zvoitawo kuti vatyire hutano hwemwana wavo

Mukuru weHarare Central Hospital, Amai Peggy Zvavamwe, vaudza Studio 7 parunhare kuti vanachiremba havasati vadzoka kumabasa. Amai Zvavamwe vati vanga vari kupinda mumusangano wekuongorora kuti kuramwa mabasa uku kuri kuvhiringa varwere zvakadii.

Munyori mubazi rezveutano, Dr Gerald Gwinji, vaudza Studio 7 kuti kuramwa basa kwanachiremba uku kuri kukanganisa mabasa ezveutano.

VaGwinji vati bazi ravo richiri kukukurukura nehurumende kuti vangagadzirisa sei dambudziko asi vakatiwo chikumbiro chavo kunana Chiremba ndechekuti dai vakwanisa kudzokera kumabasa hurumende ichigadzirisa zvichemo zvavo.

Zimbabwe Hospital Doctor’s Association inoti nhengo dzayo dzinodarika chiuru dziri kuramwa mabasa.

Zvichemo zvanachiremba ava zvinosanganisira mari shoma pamwe nekusapiwa mukana wekuti vatenge mota pasina kubhadhariswa mutero kubva kunze kwenyika kuitira kuti vafambe nyore vachienda kubasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG